Nziyo 113 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kurumbidza Mwari wakanaka

1Areruya.

Imi varanda vaTENZI rumbidzai,

rumbidzai zita raTENZI.

2Zita raTENZI ngarirumbidzwe

kubvira zvino kusvikira nokusingaperi.

3Kubvira pakubuda kwezuva

kusvika pakudoka kwaro,

zita raTENZI ngarirumbidzwe.

4TENZI ari pamusoro pamarudzi ose

mbiri yake inorumbidzwa

kumusoro kwamatenga.

5Ndiani akaita saTENZI Mwari wedu

kumusoro ndokwaagere?

6Anotoita zvokukotamira pasi

kuti aone matenga napasi.

7Anobvisa varombo muhuruva

achisimudza vasina chavanacho kubva mudota

8achivagarisa namachinda,

namachinda avanhu vake.

9Anopa mudzimai asina mbereko musha

achimuita amai vavana vanofara.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help