Jeremiya 20 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kunetsana kwaJeremiya nomupristi Pashuri

1Izvozvo mupristi Pashuri mwanakomana waImeru akanga ariye mukuru mukuru aiona yezvepamba paTenzi akanzwawo Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.

2Ipapo Pashuri akarova muporofita Jeremiya akamuisa muchitokisi chaiva paSuo Guru rokwaBhenjamini rokumusoro kwemba yaTenzi.

3Ramangwana racho, Pashuri paakasunungura Jeremiya muchitokisi, Jeremiya akati kwaari, “Tenzi haana kukupa zita rokuti Pashuri asi rokuti, ‘Nyakukombwanezvinotyisa.’

4Nokuti Tenzi ari kuti; ‘Chiona ndichakupinza mune zvinotyisa iwe neshamwari dzako dzose. Vacharakatiswa nebakatwa revavengi vavo iwe makatarisa nameso ako. Uye ndichaisa Judha yose mumaoko mamambo weBhabhironi, achavatapa oenda navo kuBhabhironi achivauraya nebakatwa.

5Uyewo ndichapa upfumi hwose hweguta rino nezvose zvarinowana nezvinokosha zvaro zvose nezvinhu zvose zvazvo zvinokosha zvamadzimambo okwaJudha mumaoko mavavengi vavo, vachavapamba vachivabata vachiendwa navo kuBhabhironi.

6Zvino iwe Pashuri, navose vagere mumba mako muchaendwa nemi kuutapwa. KuBhabhironi munotokuenda, ikoko ndokwamuchandofira, ikoko ndokwamuchavigwa, iwe neshamwari dzako dzose dzawaitaurira chiporofita chenhema.’ ”

Kunyunyutira Tenzi kwaJeremiya

7Imi Tenzi makandinyengedza,

ini ndikabvuma kunyengedzwa.

Imi makasimba kupinda ini

uye imi makandikurira.

Ndava chiseko chenyika zuva rose.

Munhu wose anondisvoveredza.

8Nokuti pandinoti nditaure,

ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti,

“Hecho chisimba noumharadzi!”

Nokuti shoko raTenzi

rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose.

9Ndikati nditi,

“Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,”

mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa

wakapfigirwa mumapfupa angu,

zvandikunda ini, handichazvigona.

10Nokuti ndiri kunzwa

vazhinji vachiita kazevezeve,

mativi ose zvangove zvinotyisa.

“Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,”

ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose

dzakangotarisira kuti pangu pandiperere,

vachiti zvimwe angafuririke

tikamukurira tobva tamutsividza.

11Asi Tenzi aneni

somurwi wehondo anotyisa.

Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa

uye havambondikunda.

Vachanyadziswa zvikuru

nokuti havasi kuzombobudirira.

Kunyadziswa kwavo kusingaperi

hakusi kuzombofa kwakakanganikwa.

12Imi Tenzi wehondo nehondo

munoedza wani vakarurama,

imi munoona mumwoyo nomupfungwa dzomunhu,

itai henyu kuti ndione

imi muchivatsividza

nokuti ndazviturira mumaoko menyu.

13Imbirai Tenzi rumbidzai Tenzi

nokuti akanunura upenyu hwavasina chavanacho

mumaoko mevaiti vezvakaipa.

14Ngarive norushambwa

zuva randakaberekwa

musi wandakaponwa namai vangu,

ngaurege kuva musi wakakombererwa.

15Ngaapinde rushambwa

munhu akaunza kuna baba vangu shoko rokuti,

“Maberekerwa mwana mukomana,”

achivaita kuti vafare zvikuru kwazvo.

16Munhu iyeyo ngaaitwe samaguta

akaparadzwa naTenzi

asingaanzwirwi tsitsi.

Ngaanzwe mhere yokuchema mangwanani

nemhere yokuyambira, masikati

17nokuti akarega kundiuraya

ndichiri munhumbu maamai zvokuti amai vangu

ndivo vangadai vakava guva rangu,

nhumbu yavo yakaramba zvayo yakakura.

18Chaizvoizvo ini ndakabudirei munhumbu ini,

kuzoona nhamo ndichisuruvara kudai

nokupedzera mazuva angu mukunyadziswa?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help