Sira 26 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zvake murume ane mukadzi chaiye akanaka

mazuva ake achapetwa kaviri.

2Mukadzi akanaka mwoyo rufaro rwomurume wake,

anoita kuti murume wake agarike

makore ose oupenyu hwake.

3Mukadzi wakanaka mwoyo chikomborero,

ndicho chimwe chezvikomborero

zvinopiwa vanotya Mwari.

4Muupfumi nomuurombo mwoyo wake unofara,

chiso chake chinogara chichinyemwerera.

5Ndine zvinhu zvitatu zvandinozeza,

nechechinawo chinondityisa; zvinoti:

guhwa rinopararira neguta,

kwouya kuungana kwemhomho yavanhu

uye kupomedzerwa mhosva; izvi zvose

zvakaipa kupinda rufu;

6asi kana mukadzi aine shanje nomumwe mukadzi

anosakisa zvinonyanya kurwadzisa mwoyo nokuchemedza,

nokuti rurimi rwake runobva rwava shamhu inokaurisa vose.

7Mukadzi wakaipa ijoko remombe rinosvuura;

kuti umudzore kunge kubata rize.

8Chidhakwa chomukadzi chinoshatirisa zvikuru

kunyara hachimbonyari.

9Ufambi hwomudzimai hunoonekwa

nemeso meso ake,

zvinoonekwa nomutarisiro wake.

10Chenjerera mwanasikana ano musikanzwa,

ukangomuregerera, anoita madiro.

11Chenjerera mwanasikana ano ruziso,

ngazvirege kukushamisa kana akakuitira zvausingadi.

12Munhu anenge ari parwendo

kana akaita nyota

anoshamisa muromo

kunwa mvura iri yose yaanowana,

saizvozvo mukadzi uyu

anomiramira namakwenzi

achizarurira mukutu wake kumuseve wose wose.

13Maitiro ounhu hwomukadzi rufaro rwomurume wake;

uye simba romurume mukadzi anogona mabasa echikadzi.

14Mukadzi akanyararisa chipo chinobva kuna Mwari;

mukadzi akadzikama anopfuura mutengo upi zvawo.

15Mukadzi akatsiga igomborero ramakomborero,

hakunawo kana nechakakoshesesa

chingaenzane nomukadzi anozvibata.

16Sezuva ratinoona richibuda nechapamusoro pamakomo

aMwari, ndiko kuyemurika kwomukadzi akanaka

ari mumba make makanyatsorongedzwa.

17Somwenje unopfuta

uri pachidzimikiro chomwenje,

ndizvo zvakaita runako nechimiro chakanyatsoumbwa.

18Sezvakaita misimboti yendarama

iri muzvigadzikiro zvesirivha,

ndozvakaita makumbo akanyatsoti twi

pazvitsitsinho zvakasimba.Zvinhu zvitatu zvinoshungurudza

28Kune zvinhu zviviri zvinondibaya mwoyo,

chechitatu chichindishatirisa:

munhu akarwira nyika akaregwa ova murombo wokupedzisira;

uye vanhu vanamazano vanotsvinyirwa;

wechitatu: munhu anofuratira ururami achitadzira Mwari,

Mwari anomugadzirira rufu rwokufa nebakatwa.

Shavo

29Haisi nyore kuti mushambadzi asatadzire Mwari,

kana kuti vanotengesa vasaite chitadzo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help