1Kwaiva nomumwe murume aigara kuBhabhironi ainzi Joakimu,
2akaroora mukadzi ainzi Susana mwanasikana waHirikiya, mukadzi aiva nechimiro chakanakisa kwazvo, akanga ari munhu anotya Mwari.
3Vabereki vake vakanga vakarurama. Vakayarutsa mwana wavo maererano nomutemo waMosesi.
4Joakimu akanga akapfuma kwazvo, aiva nebindu guru rakanga riri pedyo nemba yake. VaJudha vaiwanzovashanyira nokuti vaiva vanhu vairemekedzwa kudarika vamwe vose.
5Negore iroro kwakasarudzwa vakuru vakuru vaviri kuti vave vaenzanisi vemhosva. Tenzi akanga ataura nezvavanhu vakadai kuti, “Uipi hwakabva Bhabhironi muvakuru vakuru vaiva vatongi vaifanira kunge varivo vatongi vavanhu.”
6Varume ivavawo vaigarosvika pamba paVaJoakimu. Vose vakanga vaine nhuna vaitokwira kwavari.
7Susana aiti kana ava masikati vanhu vabvapo, opinda mubindu romurume wake, ofamba–famba zvake.
8Vakuru vakuru vaviri vaya zvavaiona mazuva ose achipindamo kundofamba–famba zvake vakavamba kutorwa mwoyo naye.
9Vakapindwa nepfungwa dzakaipa, ndiye pidigu vorega kutarisa kudenga kana kurangarira kutonga kwakarurama.
10Kunyange zvazvo vose vari vaviri vakapera nokuvachiva kudaro, asi hapana akambotaurira mumwe nhuna dzake
11nokuti vakanga vachinyara kudura kumuchiva kwavaimuita vachida kumuita wavo.
12Vaivagaririra zuva nezuva kuti vavaone.
13Vakataurirana kuti, “Handei kumba nokuti yava nguva yokudya.”
14Pavakabuda vakabva vati uyu kwake uyu kwake. Asi vakadzoka vakabva vaonanazve. Pavakasimbisisa kubvunzana chikonzero vakadudza ruchiva rwavo. Ipapo vari pamwechete kudaro vakaronga kuti vave nenguva yavangamuwane ari oga.
15Zvavakanga vachimirira kuwana zuva rokuita zvavaida kudaro, zvakaitika kuti mumwe musi Susana akapinda sezvaaigaroita aine vasikana vake vaviri vaimushandira achida kuti ashambe muviri mubindu imomo nokuti kunze kwakanga kuchipisa zvakanyanya kwazvo.
16Makanga musina arimo kunze kwavakuru vaviri vaya vakanga vakahwanda vakamugaririra.
17Susana akati kuvasikana vake, “Ndiunzireiwo mafuta netwokuzora mugopfiga misuo yebindu kuitira kuti ndishambe muviri.”
18Vakaita zvaakavataurira vakapfiga misuo yebindu ndokubva vabuda nemimwe misuo yapadivi pebindu kundounza zvavakanga vatumwa asi havana kuona vakuru vakuru vaya nokuti vaiva vakahwanda.
19Pakabudamo vasikana ivavo, vakuru vakuru vaviri vaya vakasimuka vakamhanyira kwaari vakati,
20“Tarisa uone, misuo yebindu yakazarirwa hakuna anombotiona, uye isu tinokuda. Saka iwe chibvuma tigare newe.
21Kana ukaramba, isu tichakuti takubata uine chikomba chomukomana ndokusaka wadzinga vasikana vako vanokushandira.”
22Susana akatura femo guru akati, “Inga ndapinda pfumvu kwosekwose nokuti kana ndikaita izvozvi izvi, changu ini kwatova kufa. Kana ndikaramba, hapana pandingapunyuke napo mumaoko menyu.
23Ndinosarudza kuramba kuita izvozvo ndisve ndawira zvangu mumaoko menyu pane kuti nditadzire Tenzi.”
24Susana akabva aridza mhere huru chaiyo, vakuru vakuru vaviri vaye vachibva vashevedzerawo
25mumwe wacho ndokubva amhanya kundozarura misuo yebindu.
26Vashandi vepamba ipapo pavakanzwa kuridza mhere mubindu imomo, vakamhanyiramo napamusuo waparutivi uya kundoona zvakanga zvamuwira.
27Vakuru vakuru vaya pavakarondedzera nyaya yavo, vashandi vakanyara kwazvo nokuti hakuna nyaya yakadai yakambonzwika nezvaSusana.
28Ava mangwana acho, vanhu vakaungana mumusha maJoakimu murume waSusana. Vakuru vakuru vaviri vaya vakasvika mumwoyo'mu vazere nebangano ravo rakaipa rokuurayisa Susana.
29Vakati kudare iroro, “Daidzai Susana, mwanasikana waHirikiya, mudzimai waJoakimu.”
30Saizvozvowo vakamutumira nhume, Susana akabva auya navabereki vake navana vake nehama dzavo dzose.
31Zvino Susana akanga ari mudzimai ane unhu chaihwo hwakakwana aine runako runoyevedza kwazvo.
32Izvozvo akanga akazvifukidza uso, varume vakaipa vaye vakabva vati afugurwe uso voda zvino kumbozvigutsa zvavo nokuyeva runako rwake.
33Asi vemhuri yavo navamwe vavo navose zvavo wakavaona vakahwihwidza kuchema.
34Ndopakasumuka vakuru vakuru vaviri vaya mukati mavanhu imomo ndokuisa maoko avo pamusoro waSusana.
35Izvozvo Susana achichema akatarisa kudenga nokuti aiva nomwoyo wokuvimba naTenzi.
36Vakuru vakuru vaya ndokuti, “Takati tichifamba zvedu mubindu umu tiri toga, mukadzi uyu akapindamo navashandi vaviri vasikana akazarira misuo yebindu iroro akati vashandi vachienda zvavo.
37Ndokubva rimwe jaya rakanga rakahwandiswa rauya kwavari rikafeva zvaro naye.
38Isu taiva zvedu kumucheto mumwe webindu iroro. Patakaona uipi ihwohu takamhanyira kwavari.
39Takavawanikidza vakambundikirana. Asi takatadzirira kubata jaya iroro nokuti rakatikunda rikabva razarura misuo rikasvakukira kunze.
40Nezvo isu ndokuti dzvii kubata mukadzi uyu ndokumubvunza kuti jaya iroro ndiani asi iye haana kutitaurira. Izvozvi izvi ndozvatati tipupure.”
41Dare rakabvuma zvavakareva nokuti ivo ndovaiva vakuru vakuru vavanhu navatongi vedzimhosva ndokubva vatongera Susana rufu.
42Ipapo Susana akaridza mhere akati, “Nhai Mwari wokugara nokugara, imi munoziva chakavandika, imi munofanoziva zvose zvisati zvaitika,
43inga munozviziva wani kuti varume ava vandipomedzera mhosva yenhema. Saka zvino ndava kundofa zvangu. Asi hapana kana chandakaita pabangano rakaipa iri ravakandirukira!”
Kununura kwakaita Dhanieri Susana kurufu44Tenzi akanzwa chichemo chaSusana.
45Pavakanga vachienda naye kundomuuraya Mwari akamutsa Mweya Mutsvene waiva mune mumwe mukomana ainzi Dhanieri
46akabva adaidzira kwazvo achiti, “Ini handiwirirane nokutongera kwamaita mukadzi uyu rufu.”
47Vanhu vose vakatendeukira kwaari vakati, “Zvinorevei zvawava kutaura izvi?”
48Iye akamira pakati pavo ndokuti, “Muri mapenzi avanhu here nhai vanhu veIsiraeri? Kupa here mhosva chokwadi mwanasikana weIsiraeri musina kana kuongorora mhosva yacho kana zvako kuwana chokwadi chaichoicho chemhosva iyoyi?
49Ngatidzokerei kudare nokuti varume ava mhosva yavari kupa mukadzi uyu ndeyekungomupomera chete.”
50Naizvozvo vanhu vose vakakurumidza kudzokera ndokubva vakuru vakuru vaya vati kuna Dhanieri, “Uya ugare patiri utiudze nokuti Mwari akupa mvumo yacho.”
51Dhanieri ndokuti, “Vaparadzanisei muvati mumwe uko mumwe uko ndigovabvunzisisa.”
52Pavakanga vaparadzaniswa kuti uyu kwake uyu kwake, Dhanieri akadaidza mumwe wavo akati kwaari, “Ya–a ndiwe wasarukira nouipi iwe. Zvitadzo zvako nhasi zvakupfukira zvawakapara kare
53uchitonga zvisina ruenzaniso zvako, uchipa mhosva vasina mhosva, vane mhosva uchivarega vachienda zvavo, kunyange Tenzi akati usaurayise munhu asina mhosva, mururami.
54Ko kana zviri zvechokwadi kuti wakamuona chindiudza izvi. Wakavawanikidza vari pasi pomutii vari vose kwazvo kudaro?”
Iye ndokuti, “Pasi pomuti womumasitiki.”
55Dhanieri akabva ati, “Zvakanaka! Kunyepa kwako ndiko kuchakupfukira nokuti mutumwa waMwari atogamuchira chirango chinobva kunaMwari, achakutsemura napakati iye zvino uno.”
56Dhanieri akati mukuru uyu amboiswa parutivi akabva ati vaunze mumwe wacho, akamuti, “Iwe chizvarwa chokwaKanani kwete chokwaJudha. Runako rwakakurasisa musoro, ruchiva rwakakutora mwoyo.
57Mose zvenyu muri vaviri ndozvamanga muchiita imi izvozvi navanasikana vokwaIsiraeri vachidanana nemi pamusana pokutya. Asi mwanasikana wokwaJudha haana kukwanisana nouipi hwenyu.
58Saka zvino ndiudze. Makavabata vari pasi pomutii vari vose kwazvo kudaro?”
Iye akati, “Pasi pomuti unogara wakasvibira womuoku.”
59Dhanieri akati, “Zvakanaka! Iwewo kunyepa kwako kuchakupfukira nokuti mutumwa waMwari akamirira nebakatwa kuti akucheke napakati kuitira kuti akuparadzei mose.”
60Vanhu vose vakabva vadanidzira vachirumbidza Mwari iye anonunura vanoisa chitarisiso chavo maari.
61Vanhu vakabva vamukira vakuru vakuru vaya nokuti Dhanieri akanga avabata nemhosva youchapupu hwenhema mumazwi avo avakataura.
62Zvakaipa zvavakanga varongera kuita kune mumwe wavo ndozvacho zvakazoitwa kwavari ivo vakare, vachitevedza mutemo waMosesi. Vakavauraya. Naizvozvo pamusi iwoyo ropa romunhu asina mhosva rakanunurwa.
63Hirikiya nomudzimai wake akarumbidza Mwari pamusana pemwanasikana wavo, Susana. Ndozvakaitawo murume wake Joakimu nehama dzake dzose nokuti hapana chakaipa chakawanika maari.
64Kubvira zuva iroro Dhanieri akaenda mbiri mukati mavanhu vose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.