2“Sezvandava mutongi
wendudzi zhinji dzavanhu kudai,
changamire wapasi pano pose,
ndisingade zvangu kuzvitutumadza
namasimba asi kuti
ndichigara ndichiita zvinhu
nomazvo uye mwoyo wetsitsi.
Chandafunga ini ndechokuti
vanhu vangu vave noupenyu
hwakagarikana vari murunyararo
runogara nokugara,
kuitira kuti nyika yangu ive norugare,
vanhu vanyatsofamba zvavo
nzendo kubvira kwainobvira
kudzamara kwainoperera kuti
kuchivazve norugare
runodiwa nomunhu wose.
3“Pandakabvunza makurukota angu kuti
tingazviite sei izvozvo ipapo
Hamani imwe nyanzwi yapamusoro chaizvo
pakati pedu inopinda isu
mukuona nyaya, munhu kwaye
chaiye ane mbiri, asingasanduke–sanduke,
kusina mupindu akazviwanirawo
chinzvimbo chechipiri kuna mambo,
4akatiisira pachena kuti
mukati mendudzi dzose
dzavanhu panyika
mune rumwe rudzi
rwavanhu rune mwoyo wokupanduka
rwatekesheramo, vane mitemo inopikisana
nemitemo yedzimwe ndudzi
dzavanhu uye vanogara zvokushaya
hanya nezvirevo zvamadzimambo,
ndomugariro wavo.
Nezvo zvokuti ini
ndibatanidze nyika
dzoumambo huno izvi
zvandanga ndichidawo kuti ndinyatsoita
hazvisi kuzomboitika.
5Tiri kunzwa kuti vanhu ivava
voga voga kudaro
vanogara vakapikisana
navamwe vanhu vose
vachitevera zvisina maturo ose
namaitiro mamwewo nemirawo isina ani akamboona;
chavo chete kupandukira hurumende yangu
vachiita zvose zvakaipa zvavanokwanisa
kuitira kuti nyika yangu
itadze kunyatsogarika.
6Naizvozvo ndatema kuti vamakadomerwa
mutsamba dzaHamani ari kutungamirira
zvinhu izvi, uye ndibaba wedu wechipiri.
Vose zvavo ivavo vanofanira
kuparadzwa pamwechete navakadzi vavo
navana vavo zvokutsvaira chaizvo zviya.
Ngavaparadzwe namapakatwa avavengi
vavo pasina zvokuitira tsitsi
kana kunzwira urombo pamusi wegumi nechina
wemwedzi wegumi newechipiri,
mwedzi waAdhari wegore iro rino iri.
7Izvi zvinenge zvichiitirwa
kuti ivo vacho vanga vagara
vaine mwoyo wokupanduka
ivavo navachina mwoyo wakadaro,
nezuva rimwechete chairo
vanzi noutsinye chaihwo munyikadzimu
ririri, hurumende yedu isare
yanyatsogarika isisina chinoitambudza
mune ramangwana.”Munamato waModhekai
8Modhekai akayeuka mabasa ose aTenzi akanamata kuna Tenzi achiti,
9“Nhai Tenzi, Tenzi!
Mambo mutongi wezvinhu zvose,
pamusana pokuti denga nenyika
zviri pasi pesimba renyu
uye hakuna angagone kupikisana nemi
kana imi mada kununura Isiraeri
10nokuti ndimi makasika denga
nenyika nekanhu kose zvako kanoshamisa
kapasi pedenga pano.
11Ndimi Tenzi wazvose,
hakuna mumwe angamirisane
nemi imimi Tenzi.
12Munoziva zvinhu zvose wani,
imi Tenzi munozvizivawo kuti wangu ini hauzi
musikanzwa kana kuzvikudza kunyange
zvako kukarira kuti ndiwane
mbiri kwakandiitisa izvozvo
zvokuti ndirambe kupfugamira munhu
anozvitutumadza uya Hamani.
13Ndinodaro nokuti handaitadza
kutsvoda pasi petsoka dzake
chaipo kuitira kuti Isiraeri iponeswe.
14Asi chandakaitira izvi kwaiva
kuti ndirege kupa munhu mbiri
inopfuura mbiri yaMwari.
Zvino handisi kuzombopfugamira
munhu kusiya imimi chete iyemi
Tenzi wangu uye chandiri kuitira
izvozvi izvi hakusiri kuzvikudza.
15“Saka zvino imi Tenzi Mwari, Mambo,
Mwari waAbhurahamu ponesai vanhu venyu
nokuti mhandu dzenyu dzakatotirarisa
namaziso matsvuku kuti vatitsakatise.
Vari kuda kurozva nhaka
yaiva yenyu kubvira pakutanga.
16Regai kushayira hanya mugove
wenyu wamakazvinunurira
pachenyu kunyika yeIjipiti.
17Inzwaiwo munato wangu
munzwirewo tsitsi nhaka yenyu.
Sandurai kusuruvara kwedu kuve kufara
kuti tiraramire kurumbidza
zita renyu imi Tenzi.
Musaparadze miromo yavanokurumbidzai.”
18MuIsiraeri yose rakave jemedzanwa nokuti rufu rwakanga rwatarisana navo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.