Johani 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: JESU CHINGWA CHINOPA UPENYUNezvingwa zvishanu chete, Jesu anogutsa zviuru zvishanu zvavanhu(Mat 14:13–21; Mak 6:30–34; Ruka 9:10–17)

1Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi.

2Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere.

3Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake.

4Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo.

5Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.”

6Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita.

7Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.”

8Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari,

9“Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.”

10Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu.

11Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo.

12Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa.

13Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya.

14Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano.

15Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake.

Jesu anofamba pamusoro pemvura(Mat 14:22–33; Mak 6:45–52)

16Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa

17vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari.

18Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba.

19Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya.

20Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.”

21Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda.

Vanhu vanotsvaka Jesu chingwa choupenyu

22Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.

23Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda.

24Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu.

Jesu ndiye chingwa chinopa upenyu

25Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?”

26Jesu akavapindura achiti,

“Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri

hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo

asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.

27Musashandire chokudya chinopera

asi chokudya chinogara

kusvikira kuupenyu husingaperi

chamunopiwa noMwanakomana womunhu,

nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.”

28Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?”

29Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.”

30Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite?

31Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.”

32Jesu akati kwavari:

“Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri,

haasi Mosesi akakupai

chingwa chinobva kudenga.

Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi

chinobva kudenga.

33Nokuti chingwa chaMwari

ndechiya chinobva kudenga

uye chinopa upenyu kunyika.”

34Vakati kwaari,

“Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.”

35Jesu akati kwavari,

“Ini ndini chingwa choupenyu;

anouya kwandiri haaiti nzara

uye anotenda mandiri

haambofa akanzwa nyota.

36Asi imi, sezvandambokuudzai

munondiona zvenyu asi hamutendi.

37Chose chandinopiwa naBaba

chinouya kwandiri

uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze.

38Nokuti ndakauya

ndichibva kudenga

kwete kuzoita kuda kwangu

asi kuda kwewakandituma.

39Kuda kwewakandituma ndokuku

kwokuti handifaniri kurasikirwa

nechose zvacho chaanenge andipa

asi kutochimutsa pazuva remhedziso.

40Uku ndiko kuda kwababa vangu

kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari

awane upenyu husingaperi

uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.”

41VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.”

42Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.”

43Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu.

44“Hapana angauye kwandiri

kana Baba vakandituma

vasina kutomukweva.

Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.

45Zvakanyorwa muvaporofita

kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari.

Munhu wose anoteerera Baba

nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’

46Hazvirevi kuti pana akamboona Baba

kusiya iye akabva kuna Mwari

ndiye akaona Baba.

47Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri

anotenda anoupenyu husingaperi.

48Ndini chingwa choupenyu.

49Madzitateguru enyu akadya

mana murenje asi vakafa.

50Ichi ndicho chingwa

chakaburuka chichibva kudenga

chokuti anenge achidya haazofa.

51Ini ndini chingwa chipenyu

chakaburuka kubva kudenga.

Munhu wose anodya chingwa ichi,

achararama nokusingaperi.

Chingwa chandichapa

kuti chive upenyu hwapasi pose,

inyama yangu pachangu.”

52VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti,

“Munhu uyu angatipe sei

nyama yake kuti tidye?”

53Naizvozvo Jesu akati kwavari,

“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri

mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu

nokunwa ropa rake

hamuna upenyu mamuri.

54Anodya nyama yangu

nokunwa ropa rangu

ano upenyu husingaperi

uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.

55Nokuti nyama yangu kudya chaiko

uye ropa rangu kunwa chaiko.

56Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu

anogara mandiri neniwo maari.

57Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu

uye kuti ndinoraramiswa naBaba

ndizvozvowo zvinoita vanondidya

vachararamiswa neni.

58Ichi ndicho chingwa

chakaburuka chichibva kudenga

chisina kufanana nechakadyiwa,

namadzitateguru enyu vakafa.

Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”

59Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu.

Mazwi oupenyu husingaperi

60Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.”

61Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi?

62Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare.

63“Mweya ndiwo anopa upenyu;

nyama haina maturo.

Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu.

64“Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.”

65Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.”

66Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye.

67Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?”

68Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi.

69Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.”

70Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.”

71Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help