Amosi 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Musoro wenyaya

1Aya ndiwo mazwi okusuma aAmosi mumwe wavafudzi vokuTekowa, chaiva chiri chioneso chaitaura nezveIsiraeri. Izvozvo maive muri munguva yaUziya mambo wokwaJudha, uyewo muri munguva yaJerobhoamu, mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri makore maviri kundengendeka kwapasi kusati kwaitika.

Kusuma nyaya

2Akati,

“TENZI ari kudzvova ari kuZioni,

ari kudaidzira ari kuJerusaremu

mafuro avafudzi ari kuchema mvura,

pamusoro pegomo reKarimero paomerwa.”

I: KUTONGWA KWENYIKA DZAKAVAKIDZANA NEISIRAERI NOKUTONGWAWO KWEISIRAERIDhamasikusi

3TENZI ari kuti,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kweDhamasikusi kutosvika runa

handimborega kuiranga,

nokuti vakakuya vanhu vokuGireadhi

nezvirhei zvesimbhi.

4Saka ndichatumira moto

kumba yaHazaeri,

ucharoromesa nzvimbo dzaBhenihadhadhi

dzokuzvidzivirira nazvo muhondo.

5Ndichatyora zvihuri zveDhamasikusi

ndigotsakatisa vagari

vomubani reAvheni

naiye ane umambo kuBhetiedheni.

Vanhu veSiria vachatapwa

vachiendeswa kunyika yeKiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

Gaza nenyika yeFirisitia

6Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kweguta reGaza kutosvika zvaro runa,

handimborega kuriranga

nokuti vakatapa vanhu

rudzi rwose zvarwo rwavanhu

vakaenda narwo

kundovati kuche mumaoko eEdhomu.

7Saka iniwo ndichatumira moto

kurusvingo rweGaza,

ucharoromesa nzvimbo dzaro

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

8Ndichatsakatisa vagari veAshidhodhi

naiye ane umambo kuAshikeroni.

Nesimba roruoko rwangu,

ndicharanga guta reEkironi,

marimbirimbi akasara avaFirisitia

achaparara,”

ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari.

Tire

9Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kweguta reTire kutosvika runa,

handimborega kuriranga;

nokuti vakakukura kutapa vanhu,

rudzi rwose rwavanhu

vakaenda narwo kuEdhomu

vachirega kurangarira

chibvumirano chavakaitirana paukama.

10Naizvozvo ndichatumira moto

parusvingo rweguta reTire

ugororomesa nhare dzaro

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”

Edhomu

11Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kwenyika yeEdhomu kutosvika zvayo runa,

handimborega kuiranga,

nokuti yakaronda hama dzayo namapakatwa,

zvetsitsi yakakanda pasi,

yakaramba achingoviruka nehasha

yakaramba iine pfundipfundi mumwoyo.

12Naizvozvo ndichatumira moto kuTemani

ugororomesa nhare dzokuBhozira

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”

Amoni

13Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kwevokwaAmoni kutosvika zvavo runa,

handimborega kuvaranga;

nokuti vakatumbura madzimai

akazvitakura okuGireadhi

vachiitira kukudza-kudza nyika yavo.

14Nezvo ndichatungidza moto

murusvingo rweguta reRabha

uroromese nhare dzaro

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

Pachava nejemedzanwa

pazuva rehondo iyoyo

ichaita sedutu remhepo

pazuva rechamupupuri.

15Mambo wavo achatapwa agoendwa naye,

iye pamwechete namachinda ake,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help