Nziyo 147 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rumbo rwokurumbidza Mwari Samasimbaose

1Rumbidzai TENZI,

zvakanaka kuimba tichirumbidza Mwari wedu.

Nokuti wakanaka

uye zvakakodzera seiko kumuombera norumbo

tichimurumbidza.

2TENZI anovakazve Jerusaremu,

anounganidza vakaraswa vaIsiraeri.

3Anorapa vakarasa mwoyo,

anosunga maronda avo.

4Ndiye akaronga uwandu hwenyenyedzi

ndiye anodzidoma dzose namazita adzo.

5TENZI wedu mukuru

uye ane simba rakawanda

uye kunzwisisa kwake hakutauriki.

6TENZI anosimudzira vakadzvinyirirwa

vakaipa anovaputsira pasi.

7Imbirai TENZI muchimutenda

ridzirai Mwari wedu mumhanzi nechipendani.

8Anofukidza denga namakore;

anonaisa mvura panyika;

anokurisa uswa pamakomo.

9Ndiye anopa mhuka zvokudya zvadzo

uye manyana amakunguo anochema.

10Haanei navanovimba nesimba ramabhiza,

kana navanovimba navarwi vakasimba makumbo,

11asi TENZI anofadzwa navanomutya

vanovimba nomwoyochena wake.

12Rumbidza TENZI, Jerusaremu;

rumbidza Mwari wako iwe Zioni

13nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako mikuru

anokomborera vana vari mauri.

14Anopa nyika yako rugare,

anokugutsa nembeswa dzakanakisisa.

15Anotuma chirevo kunyika,

shoko rake rinobva ramhanya nokukasika.

16Anounza mazaya echando sewuru;

anoparadzira mazaya echando chamangwanani sedota.

17Anokanda chivhuramahwe samavhinga;

ndiani angatirire chando chake.

18Anongotaura izwi chete

zvichibva zvanyongodeka,

anovhuvhutisa mhepo yake

mvura ichibva yayerera.

19Akataura mazwi ake kune vekwaJakobho

nemirao nezvirevo zvake kuvaIsiraeri.

20Haana kumboita zvakadai

norumwe rudzi.

Havazivi zvirevo zvake.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help