1Vanakomana vaIsakari ndavava, kunoti:
Tora naPua naJashubhu naShimuroni
vari vana kudaro.
2Vanakomanawo vaTora:
ndiUzi naRefaya naJerieri naJahimai
naJibhusamu naShemueri
vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaTora.
Magamba okurwa hondo ezvizvarwa zvokwavo mumazuva
aDhavhidhi vainge vari vanhu makumi maviri ezviuru
ane zviuru zviviri
namazana matanhatu.
3Vanakomana vaUzi:
ndiIzirahiya.
Vanawo vaIzarahiya vakomana:
ndiMikaeri naObhadhiya naJoeri
naIshiya vari vashanuwo kudaro vose
vari madzichangamire.
4Pamwechete naivava ava chizvarwa
nechizvarwa imba nemba paivawo
nezvikwata zvavarwi vehondo zvina vanhu
makumi matatu ezviuru ane
zviuru zvitanhatu nokuti vaiva navakadzi
navana vakomana vakawanda.
5Hama dzavo dzomudzimhuri dzekwaIsakari
dzose pamwechete vaiva
makumi masere ezviuru ane zviuru zvinomwe
zvavanhu variwo magamba
okurwa hondo vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa.
Zvizvarwa zvokwaBhenjamini nezvokwaDhani6Vanakomana vaBhenjamini:
ndiBhera naBhekeri naJedhiaeri
pautatu hwavo kudaro.
7Vana vakomana vaBhera:
ndiEzibhoni naUzi naUzieri naJerimoti
naIri vashanu. Vaiva vatungamiriri
vedzimhuri dzokwavo vari magamba okurwa
hondo, vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa
vari vanhu makumi maviri
ezviuru ane zviuru zviviri namakumi matatu ane vana.
8Vana vaBhekeri:
vakomana ndiZemira naJoashi naEriezeri
naErioenai naOmuri naJerimoti
naAbhiya naAnatoti naArameti.
Vose ivava ava ndivo vanakomana vaBhekeri.
9Kunyorwa kwavakaita sokuberekwa
kwavo chizvarwa nechizvarwa
vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo,
magamba okurwa hondo aiva
makumi maviri ezviuru ane mazana maviri.
10Vanakomana vaJedhiaeri:
ndiBhirihani.
Vanawo vaBhirihani vakomana:
ndiJeushi naBhenjamini naEhudhi
naKenaana naZetani naTarishishi
naAhishahari.
11Vose ivava ndovanakomana vaJedhiaeri
imba nemba, magamba okurwa
hondo aiva vanhu gumi rezviuru rine
zviuru zvinomwe namazana maviri
vaigona kuenda kuhondo.
12Vana Shupimu naHupimu:
ndivo vanakomana vaIru, vokwaHushimu
ndivo vanakomana vaAheri.
Zvizvarwa zvokwaNafutari13Vana vaNafutari vakomana:
ndiJahizieri naGuni naJezeru
naSharumu vomumba
maBhiriha.
Zvizvarwa zvokwaManase14Vanakomana vaManase:
ndiAsirieri waakabereka nomurongo wake
wechiAramu, ndiye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.
15Makiri akaroorera
Hupimu naShupimu vakadzi. Hanzvadzi yake ndiMaaka.
Mumwe mwana wake ainzi Zerofehadhi,
Zerofehadhi aingova navanasikana.
16Maaka mudzimai waMakiri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Pereshi, munun'una wake ainzi Shereshi. Vanakomana vaPereshi ndiUramu naRakemu.
17Vanawo vaUramu vakomana:
ndiBhedhani.
Vose ivava ndivo vana
vakomana vaGireadhi mwanakomana
waMakiri mwana waManase.
18Hanzvadzi yake Hamorehedhi
akabereka Ishihodhi naAbhiezeru
naMahira.
19Vana vaShemidha vakomana:
ndiAhiani naShikemu naRiki naAniamu.
Zvizvarwa zvokwaEfuremu20Vanakomana vaEfuremu:
ndiShutera
mwanawo waShutera ndiBheredhi
waBheredhi ndiTahati
waTahati ndiEreadha
waEreadha ndiTahati
21mwana waTahati ndiZabhadhi
waZabhadhi ndiShutera
waShutera ndiEzeru naEreadhi
vanyakuurayiwa navarume vokuGati
vakaberekerwa munyika iyoyo,
nokuti vakanga vauya kuzopamba zvipfuwo zvavo.
22Baba vavo vakavachema kwamazuva akawanda
vakoma navanun'una vake vakauya kuzonyaradzana naye.
23Efuremu akapinda mumba nomudzimai wake akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Bheriya nokuti imba yavo yakanga yawirwa nenhamo.
24Mwanasikana wake ndiShera nyakuvaka Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi ose ari maviri kudaro uyewo Uzenishera.
25Mwanakomana waBheriya ndiRefa:
waRefa ndiReshefu
waReshefu ndiTera
waTera ndiTahani
26mwana waTahani ndiRadhani
waRadhani ndiAmihudhi
waAmihudhi ndiErishama
27mwana waErishama ndiNunu
waNunu ndiJoshuwa.
28Kwavowo ivava namamana avo kwaiva kuBhetieri nemisha yoko tonanga kumabvazuva kuNaarani nokumadokero kuGezeru nemisha yoko kwouya Shikemu nemisha yaro neAya nemisha yaro.
29Kumuganhu nokwaManase kwaivawo neBhetisheani
neBhetisheani nemisha yaro
neTaanaki nemisha yaro
neMigidho nemisha yaro
neDhoni nemishawo yaro.
Imomu umu ndimo maigara vezvizvarwa zvaJosefi mwanakomana waIsiraeri.
Zvizvarwa zvokwaAsheri30Vanakomana vaAsheru:
ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheriya
nehanzvadzi yavo Sera.
31Vanakomanawo vaBheriya:
ndiHebheru naMarikieri
baba waBhirizaiti.
32Hebheru: ndibaba waJafureti
naShomeru naHotamu
nehanzvadzi yavo Shua.
33Vanakomana vaJafureti:
ndiPasaki naBhimuhari naAshivhati.
Ivava ava ndivo vanakomana vaJafureti.
34Vanawo vakomana vaShameru:
mukoma nomunun'una naye ndiRohiga naJehubhabhu naAramu.
35Vanakomana vaHeremu mukoma nomunun'una naye:
ndiZofa naImuna naShereshi naAmaru.
36Vanawo vaZofa vakomana:
ndiSua naHarineferu naShuari naBheeri
naImura,
37naBhezeru naHodhi naShama
naShirisha naItirani naBheera.
38Vanakomana vaJeteru:
ndiJefune naPisipa naAra.
39Vana vakomana vaUra:
ndiArah naHanieri naRiziya.
40Vose ivava vaiva vokwaAsheri vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vachizikanwa ari magamba okurwa hondo, madzichangamire emachinda. Vanhu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo vari vanhu vaigona kuenda kundorwa hondo vaisvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.