1Mwari anozivikanwa maJudha,
zita rake iguru muIsiraeri.
2Akadzika musha muJerusaremu,
akazviitira pokugara muZioni.
3Imomo akatyora miseve yaivaima
nenhoyo nebakatwa nezvombo zvehondo.
Dzepfunde.
4Mbiri yenyu yaishamisa zvisingatauriki
pamakomo ehuhombarume hwenyu.
5Magamba akatorerwa zvaainge apamba;
akadzirara hope dzorufu,
varwi vehondo vakatadza kushandisa maoko avo.
6Pamakangotsiura imi Mwari waJakobho,
mutasvi nebhiza rake
vakabva vaoma pasi kuti papata.
7Asi imi, munotyisa zvakanyanya,
ndiani angamire pamuri
kana maviruka nehasha?
8Imi makatonga muri kudenga
nyika yakatya ikati zii kunyarara,
9Mwari paakasimuka kuti
achitema kutonga kwake
achinunura vose vanodzvanyirirwa panyika.
Dzepfunde
10Kushatirwa kwavanhu
kunozoperera mukukurumbidzai,
vanenge vasara netuhasha twavo
munovaunganidza zvenyu kwamuri.
11Tsidza hako kuna TENZI Mwari wako
asi uite zvawatsidza
vose vari munharaunda
ngavaunze zvipo kwaari,
iye anofanira kutyiwa.
12Anoodza mwoyo yamachinda,
anotyisa madzimambo apasi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.