1 Vanamakabhi 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rufu rwaArekizanda naToremi

1Mambo weIjipiti akazounganidza gurusvusvu ravarwi vehondo vakaita sejecha romumahombe–kombe megungwa nengarava dzakawanda, achivavarira kutorera Arekizanda nyika yake nounyengedzi kuti aipamhidzire kunyika yake.

2Akasimuka akaenda kuSiria achinge afambira zvakanaka. Vanhu vakamuzarurira misuo mikuru yamaguta avo vakaenda kundomuchingura nokuti mambo Arekizanda akanga avaudza kuti vamugashire nokuti akanga ari vatezvara vake.

3Asi Toremi paaipinda mumaguta iwaya aibva aisa chikwata chavarwi muguta rimwe nerimwe.

4Paakangosvika kuAzotusi, vakamuratidza kupiswa kwakaitwa temberi yaDhagoni neguta reAzotusi nokuparadzwa kwakaitwa dzimba dzomunharaunda yaro nezvitunha zvakangoti kata kata nezvitunha zvakashikitiswa nomoto zvavanhu vaya vakapiswa muhondo naJonatani nokuti vakanga vazviita mirwi nemirwi kutevedza nzira yaaifamba nayo.

5Vakataurirawo mambo uyu zvakanga zvaitwa naJonatani, mhosva yacho vachipa kwaari, asi mambo uyu akaramba anyerere zvake.

6Jonatani akachingurana namambo kuJopa akapembererwa zvikuru kwazvo. Vakakwazisana zvavo, vakararapo.

7Jonatani akazoperekedzana namambo uyu kudakara kurwizi runonzi Eruterusi ndokudzokera zvake kuJerusaremu.

8Nokudaro mambo Toremi akaisa pasi pake maguta okumahombekombe kwegungwa kusvikira kuSerukia pedyo negungwa. Akarambawo achingotsvaka dzimwe nzira dzakaipa dzokukuvadza nadzo Arekizanda.

9Akatumira nhumwa kuna mambo Dhemitiriusi dzokundoti,

“Uyai tiite chibvumirano ndigokupai

zvenyu mukunda wangu uya akambenge ari

mudzimai waArekizanda kuti ave mukadzi

wenyu mugotonga zvenyu nyika yamadzibaba enyu.

10Ndava kutokungura kuti

chandakamupira zvangu mukunda wangu

nokuti ari kuvavarira kundiuraya.”

11Akapa Arekizanda, mhosva nokuti akanga ochiva umambo hwake.

12Nezvo akamutorera mukunda wake akamupa kuna Dhemetiriusi. Zvakamumutsira daka chairo naArekizanda ruvengo rwavo rukatobuda pachena.

13Toremi akandopinda muAndioku akapfeka ngundu youmambo yeAsia. Nokudaro akazvidzika mumusoro ngundu mbiri dzoumambo, akanga oti ngundu yeIjipiti neyeAsia.

14Izvozvo mambo Arekizanda akanga ari muKirikiya panguva iyoyo, pamusana pokuti vanhu vokudunhu iroro vakanga vapanduka.

15Ipapo Arekizanda akazvinzwa akamuvinga kundomurwisa muhondo. Toremi akamubudira aine hondo yakasimba akasangana naye akamudzinganisa.

16Nokudaro Arekizanda akatizira kuArabhia kundopoterako, ndokubva mambo Toremi aita zenze nazvo.

17Zvino mumwe muArabhu ainzi Zabhudhieri akadimura Arekizanda musoro akautumira kuna Toremi.

18Asi mambo Toremi akafawo kwapera mazuva matatu mushure macho, ndokubva zvikwata zvake zvavarwi zvaiva munhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo vaurayiwa navagari vomunhare idzodzo.

19Naizvozvo Dhemetiriusi akava mambo mugore rezana namakumi matanhatu nechinomwe.

Dhemetiriusi naJonatani

20Mumazuva iwayo Jonatani akaunganidza varume vokuJudhia kuti arwise nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yaiva muJerusaremu, akagadzira michini yehondo yokuirwisa nayo.

21Asi vamwe vanhu vasina mutemo vaivenga vanhu vorudzi rwavo, vakaenda kuna mambo vakamutaurira kuti Jonatani akanga ari mukukomba nhare iyoyo.

22Izvi pazvakasvika munzeve dzake akashatirwa, paakangozvinzwa chete kudaro akabva apinda munzira akaenda kuToremaisi. Akanyorera Jonatani kuti arege kuramba akakomba nhare iyoyo, asi kuti azosangana naye kumusangano kuToremaisi nokukurumidza kwazvo.

23Jonatani paakanzwa izvi akatema kuti irambe yakakombwa kudaro. Akasarudza vamwe vavakuru vakuru veIsiraeri navamwe vapristi akatozviisa parumano chaipo

24nokuti akatoendawo kuna mambo kuToremaisi achimuigira sirivha nendarama nehanzu nezvimwe zvipo zvakawanda. Akabva afarirwa namambo.

25Kunyange zvazvo vanhu vasina mutemo vacho vorudzi rwake vakaramba vachimunenedzera,

26mambo akamubata sokubatwa kwaaingoitwa navakamutangira. Akamurumbidza pamberi peshamwari dzake dzose.

27Akatema kuti arambe ari mupristi mukuru uyewo kuti arambe ari mukuru pana mamwe mabasa oukuru aaiita. Akamuisa muchikwata chavainzi shamwari dzamambo dzapamwoyo.

28Jonatani akakumbira mambo kuti vanhu vokuJudhia novokumatunhu matatu neSamaria varege kunge vachatereswa mutero. Akavimbisa kumupa gumi ramatani rina mazana maviri emari yeSirivha.

29Mambo akabvuma ndokunyorera Jonatani tsamba pamusoro pezvinhu zvose izvozvi. Zvayaitaura tsamba yacho ndezvizvi.

Tsamba yaDhemetiriusi kuna Jonatani

30“Ini mambo Dhemetiriusi ndinokunyorera iwe

hama yangu Jonatani navanhu vechiJudha ndichikukwazisai.

31“Tsamba yakaita saiyoyi iyi yatakanyorera

hama yedu Rasitenesi nezvako

takunyorerawo iwe kuti uzivewo zvairi kureva.

32“Inoti, ‘Ini mambo Dhemetiriusi ndinokunyorerai imi

baba wangu VaRasitenesi ndichikukwazisai,

33kuvanhu vechiJudha, shamwari dzedu

vanhu vari kuita zvavakatsidza kwatiri, isu tatema

kuti tivaitire zvakanaka pamusana pokuti ivava

vanhu vari kutiitira mwoyo wakanaka.

34Takatema kuti nyika yose

yokwaJudha namatunhu matatu eAfairema

nereRidha nereRatamini;

rokugumisira iri namatunhu akaripoteredza,

akabviswa kuSamaria akabatanidzwa kuJudhia.

Kuvanhu vose zvavo vanopira zvibayiro

muJerusaremu, tavapa mvumo yokurega

kutera mitero yokwamambo yanga ichiendeswa

kwamambo gore negore yavanga vachibvisa ivo yembeswa

dzenyika neyemichero yemiti.

35Kubvira iye zvino imwe mitero iyi yanga

ichifanira kuunzwa kwatiri inoti

yechegumi nemimwe mitero inofanira

kuunzwa kwatiri neyemigodhi yomunyu

neyemimwe mitero yokwamambo

yangawo ichifanira kuunzwa kwatiri,

kune zvose izvozvi tinoti ngavachirega kutera.

36Zvino hapana kana kai zvako kezvatavabvumira

izvi kachazokandwa pasi kubvira iye zvino

dzamara narini wose.’

37“Saka chenjera kunyora tsamba yakangoita saiyoyi mupe

kuna Jonatani, ainamirire painonyatsoonekwa

pagomo rinoera.”

Kununurwa kwakaitwa Dhemetiriusi navaJudha

38Mambo Dhemetiriusi paakaona kuti munyika yaaitonga mava norunyararo uye kuti pakanga pasisina aipikisana naye, akaita chigumura zvikwata zvake zvose zvavarwi vehondo akaendesa mumwe nomumwe kumusha kwake kusiya chete zvikwata zvavarwi vatorwa vaakanga ambotora kuzvitsuwa kuvanhu vechirudzi achivapinza pabasa irori. Nokudaro zvikwata zvevarwi vehondo vakambenge vachimboshandira madzibaba ake vakamuvenga.

39Zvino Tirifo, mumwe murume aimbenge ari mumwe wavaitsigira Arekizanda, akaona kuti zvikwata zvose zvavarwi izvi zvaiva zvichinyunyutira Dhemetiriusi, akaenda kuno mumwe muArabhu ainzi Imarikue airera Andiokusi mwanakomana mudiki waArekizanda.

40Akasimbisisa chaizvo kumukumbira kuti Andiokusi ave mambo pachinzvimbo chababa wake. Akarondedzerawo Imarikue zvakanga zvaitwa naDhemetiriusi, akamutaurirawo kuvengwa kwaiitwa Dhemetiriusi nezvikwata zvavarwi vake akagarako kwamazuva mazhinji.

41Izvozvo Jonatani akatumira shoko kuna mambo Dhemetiriusi rokuti abvise zvikwata zvevarwi zvaiva munhare muJerusaremu uye zvikwata zvavarwi zvaiva munhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo nokuti vakaramba vachingorwisa Isiraeri.

42Dhemetiriusi ndokutumirawo Jonatani shoko iri raiti,

“Handiitire iwe noverudzi rwako izvozvi

izvi chete, asi kutoti ndichapa iwe

neverudzi rwako zvinhu zvinokupai mukurumbira

mukuru kwazvo, kana ndangowana

mukana chete.

43Zvino chakanaka chaungaite

kunditumirawo varwi vokundibatsira

nokuti zvikwata zvose zvavarwi vangu zvapanduka.”

44Saizvozvo Jonatani akamutumira zviuru zvitatu zvemikweshwa chaiyo yevarume kuAndioku. Pavakasvika kuna mambo, mambo akafara kwazvo nokusvika kwavo.

45Varume vomuguta iri vakaungana muguta'mu vari zviuru zana namakumi maviri avanhu vachida kuuraya mambo.

46Asi mambo akatizira mumuzinda. Varwi vomuguta vakagaririra mumigwagwa mikuru yacho yomuguta umu vakatanga kurwisa.

47Nezvo mambo akadaidza vaJudha kuzomubatsira, vose vakatsigirana naye vakabva vaita zararira neguta iroro. Musi iwoyo vaJudha vakauraya zana rezviuru zvavarwi.

48Vakapisa guta iroro vakapamba zvinhu zvakawanda zuva iroro vakanunura mambo.

49Vanhu veguta iri pavakaona kuti vaJudha vaisa guta irori mumaoko mavo, vava kutoita zvavo pamadiro, vakarasa mwoyo vakachema kuna mambo vachiteterera vachiti,

50“Tiri kukumbirawo runyararo mumise vaJudha kutirwisa kwavari kutiita isu nemuguta redu.”

51Vakakanda zvombo zvavo zvokurwa pasi vakave nokuwirirana. Nokudaro vaJudha vakarumbidzwa zvikuru namambo navanhu vose vomunyika make ndokubva vaJudha vadzokera Jerusaremu vaine zvinhu zvokupamba zvakawanda.

52Naizvozvo mambo Dhemetiriusi akagara pachigaro choumambo hwake, nyika ikava norunyararo iri pasi pake.

53Asi akatyora chivimbiso chake chezvose zvaakanga atsidza, ndokubva ukama naJonatani hwapera. Haanawo kuita kandiro enda kandiro dzoka naJonatani pane zvaakanga amuitira asi kuti akatomubata zvakaipisisa kwazvo.

Hondo yaJonatani naDhemetiriusi wechipiri

54Mushure maizvozvi, Tirifo akadzoka aine mwana mukomana uya, Andiokusi, akazotanga kutonga akapfeka chiremba choumambo.

55Zvikwata zvose zvavarwi zvakanga zvambogumurwa naDhemetiriusi zvakamuunganira zvikarwisa Dhemetiriusi. Iye akatiza akakurirwa.

56Tirifo akamutorera nzou, guta reAndioku rikava mumaoko ake.

57Ndokubva jaya iri Andiokusi ranyora kuna Jonatani richiti, “Zvokuti iwe ndiwe mupristi mukuru, ndazvitsigira ndichiisawo pasi pako matunhu mana ndichikuitawo mumwe weshamwari dzamambo.”

58Akamutumirawo ndiro yendarama nezvokushandisa pateburu, akamupawo mvumo yokunwira mukapu dzendarama nokupfeka hanzu dzoruvara rwohute nokupfekawo chikochekero chebhandi chendarama.

59Simoni, mukoma waJonatani, akamuita gavhuna wedunhu rinobvira kuManera eTire kusvikira kumuganhu weIjipiti.

60Jonatani akasimuka akaenda kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi achipinda nomumaguta acho, varwi vehondo yose yeSiria vakaunganidzana kwaari savadyidzani naye. Paakasvika kuAsikeroni, vanhu veguta iri vakamuchingura vakamuwombera.

61Kubva ipapo akaenda kuGaza asi varwi vomuGaza vakamuzarira kunze. Saka akarikomba akapisa nomoto dzimba dzomunharaunda yaro akadzipamba.

62Vanhu vomuGaza vakateterera Jonatani, akabva awadzana navo. Jonatani akaisa vanakomana vavatongi vavo muusungwa akavaendesa kuJerusaremu. Iye akazopinda nomunyika umu kudakara kusvika kuDhamasikosi.

63Jonatani akanzwa kuti makurukota aDhemetiriusi akanga auya kuKadheshi muGarirea vaine hondo huru yavanhu kuzomukutunura ukuru hwaaiva nahwo.

64Akaenda kundochingurana navo, asi iye akasiya mukoma wake Simoni ari mumaruwa.

65Simoni akadzika musasa wematendhe pamberi peBhetizuru, akarirwisa kwamazuva mazhinji vakarikokerana.

66Vakazomukumbira kuti pave nezvingaite kuti pave norunyararo, iye akaitawo saizvozvo. Akavabvisa ikoko akaisa guta mumaoko make akaisa chikwata chavarwi mariri.

67Jonatani nehondo yake akandodzika musasa wematendhe pedyo neGungwa reGenesareti. Mangwanani–ngwanani vakaenda kubani reHazori

68akaita mahwekwe kusangana nehondo yavarwi vechirudzi mubani. Vakanga vamuisira vamwe vokumuhwandira mumakomo, asi ivo pachavo vakasangana naye uso nouso.

69Ipapo vokuhwandira vaya vakadzumbunuka munzvimbo dzavo vakapinda muhondo.

70Varwi vose vaiva naJonatani vakati ware kutiza, hapana kana nomumwe wavo wakasara kunze kwaMatatiya mwanakomana waAbhusharomu uye Judhasi mwanakomana waKarifi vakanga vari vatungamiriri vezvikwata zvamasoja.

71Jonatani akabvarura hanzu dzake neshungu akazvidira ivhu mumusoro akanamata.

72Akabva adzokera mukurwisa vavengi akavadzvamutsa vakatiza.

73Varwi vake vaya vakanga vachitiza pavakazviona, vakapishinukira kwaari voita chirwirangwe naye vakadzingirirana navo kusvikira kuKadheshi kumusasa wavo wamatendhe vakabva vadzika musasa ipapo.

74Pakafiwa nezviuru zvitatu zvavarwi vechirudzi musi iwoyo. Jonatani akadzokera zvake Jerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help