Vaefeso 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kugara muchiedza

1Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari.

2Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari.

3Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro.

4Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.

5Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye.

6Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri.

7Nezvo musafambidzane navo

8nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza.

(

9Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.)

10Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi.

11Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei

12nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande.

13Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza.

14Ndokusaka zvichinzi;

“Muka iwe uvete,

muka muvakafa,

Kristu achakuvhenekera.”

15Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara.

16Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano.

17Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi

18uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya.

19Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose

20muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose.

Magariro akanaka ababa naamai mumba

21Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu.

22Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi

23nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro.

24Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose.

25Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira

26iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko

27kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka.

28Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake

29nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano.

30Izvi pamusana pokuti tiri nhengo dzomuviri wake.

31Nokuda kwaizvozvi murume anosiya baba vake naamai vake achibatanidzwa nomudzimai wake. Vose vari vaviri vachiva nyama imwechete.

32Ichi chinhu chikuru chakavandika. Ndiri kureva nezvaKristu nesangano.

33Asi izvi zvinorevawo imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaade mudzimai wake sokuzvida kwaanoita iye pachake. Mudzimai ngaaremekedzewo murume wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help