Jeremiya 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Jeremiya anoyeuchidza vanhu nezvechitenderano

1Herino izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,

2“Teerera unzwe zviri kurehwa nechitenderano ichi, utaurire vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu,

3uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari weIsiraeri, ‘Ngaapinde rushambwa munhu asingachengeti zviri kurehwa nechitenderano ichi

4chandakati madzibaba enyu achengete pandakavaburitsa munyika yeIjipiti,’ muvira romoto resimbi ndichiti, ‘Teererai izwi rangu muite zvose zvandinokuudzai, nokudaro muchava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu,

5kuitira kuti ndichengete chitsidzo chandakapika kumadzibaba enyu chokuvapa nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi sezvazviri pari nhasi.’ ”

Ini ndakapindura ndichiti, “Ngazvive saizvozvo Tenzi.”

6Tenzi akabva ati kwandiri, “Paridza mashoko ose iwayo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu uchiti inzwai zvinotaurwa nechitenderano ichi muzviite.

7Ndinodaro nokuti ndakayambira ndayambirazve madzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikaramba ndichivayambira kusvikira pari nhasi ndichingoti, teererai izwi rangu.

8Asi ivo kuteerera havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Asi kuti munhu wose akatotevera zvake zvomusoro wake zvakaipa. Ndokusaka ini ndakaita kuti vawirwe nezvose zvinorehwa nechitenderano ichi chandakati vachengete asi ivo vakarega zvavo.”

9Tenzi akatizve kwandiri, “Mukati mavanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu mapandukwa.

10Vadzokerazve muuipi hwamadzibaba avo vakaramba kunzwa zvandinotaura. Vavakutevera vamwe vamwari vachivanamata. Imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vakatyora chitenderano changu chandakaita namadzibaba avo.

11Naizvozvo, zvanzi naTenzi, chinzwa, ‘Ndavakuvaunzira nhamo yavasingakwanisi kunzvenga. Kunyange vakachema kwandiri, handisi kuzovateerera.’

12Zvino maguta okwaJudha navagari veJerusaremu vachaenda kundochema kuna vamwari ivavo vavanopisira rusenzi, asi havakwanisi kuvanunura munhamo dzavo panguva yenhamo yavo.

13Nokuti imi vokwaJudha, kuwanda kwakaita maguta enyu ndokuwandawo kwakaita vaMwari venyu. Uyewo sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusaremu ndokuwandawo kwakaita atari dzamakavakira icho chakafumuka ichi, atari dzokupisira rusenzi kuna Bhaari.

14“Naizvozvo iwe rega kunamatira vanhu ava kana kumbovaisira chichemo kana munyengetero wokuvakumbirira nokuti handisi kuzoteerera kana vodaidzira kwandiri panguva yavo yenhamo.

15“Iye mudiwa wangu

chaachiri kuda mumba mangu chii

iye akabata twakaipa twukadai?

Idzo mhiko dzenyu nenyama yezvibayiro

ndozvingakununurei kunhamo here?

Kutoita rurasademo kufara zvenyu nhai?

16Inga wani Tenzi akambokutii

muri muorivhi wakasvibirira

une michero yakanaka inoyevedza.

Asi noruzha rwedutu guru remhepo

achauririmisa nomoto, mapazi awo aroromeswe.

17“Tenzi wehondo nehondo iye akakusimai ati muwirwe nenhamo pamusana pezvakaipa zvakaitwa nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vachindishatirisa nokupira rusenzi kuna Bhaari.”

Bangano rokuuraya Jeremiya

18Tenzi akandiruma nzeve

ini ndikabva ndazoziva

ndokubva mandiratidza bangano ravo.

19Asi ini ndakanga ndakapfava sehwayana

iri kuendeswa kunourayiwa,

ndisingamboziva kuti twavaironga

vainge vachitorongereni vachiti,

“Ngatiparadzei muti nomuchero wawo,

ngatimutsakatisei panyika yavapenyu

zita rake ribva rakanganikwa.

20“Zvino, imi Tenzi; wehondo nehondo

munotonga zvakarurama

imi munoongorora zviri

mumwoyo nomupfungwa dzomunhu

dai waro mukaita kuti ndione

kuvatsividza kwamunoita

nokuti ndakaisa kwamuri zvinondinetsa.”

21Naizvozvo zvanzi naTenzi panyaya yavanhu veAnatoti vari kuda kupfuudza upenyu hwako vachiti, “Rega kuporofita nezita raTenzi nokuti tingakuuraye namaoko edu aya,”

22nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chinzwa, ini ndichavaranga; majaya achafira muhondo yebakatwa. Vanakomana vavo navanasikana vavo vachafa neshangwa yenzara.

23Hapana achasara nokuti ndichaunza nhamo pavanhu veAnatoti mugore ravo rokurangwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help