Tsumo 7 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chenjerera pfambi yomudzimai

1Mwanangu, chengetedza mashoko angu

upfimbike mitemo yangu mauri.

2Chengeta mitemo yangu urarame

chengeta mirao yangu

semboni yeziso rako.

3Isungirire paminwe yako.

Inyore pakafendefa kemwoyo wako,

4iti kuungwaru,

“Uri hanzvadzi yangu.”

Kunzwisisa ukuti,

“Ndiwe shamwari yangu yapamwoyo.”

5Zvinokudzivirira kumukadzi asiwako,

mukadzi pfambi

worurimi rwunotapira.

6Nokuti ndiri pahwindho remba yangu

ndakatarisa napasefa yangu.

7Ndakaona pakati pevoruzhinji

ndikaongorora pane vechidiki

jaya risina njere,

8richipfuura nepedyo nomukadzi uya

richienda nenzira inoenda kumba kwake

9nguva yoruvhunzavaeni

kumanheru panguva yousiku, yerima.

10Ndopandakaona mukadzi osangana naye

akapfeka sepfambi

aine zvaainanga

11achipupira kwazvo kutaura

asingagari pamba.

12Akamboti mumugwagwa,

hoyo kumusika

anogaririra pakona dzose dzose.

13Akamubata akamutsvoda

akati kwaari, zvisina nenyadzi dzose,

14“Ndanga ndiine chibayiro chokuti ndipire

ndazadzisa nhasi mhiko dzangu.

15Ndokusaka ndauya, kuzokuchingura

ndichikutsvagisisa

zvino ndakuwana.

16Ndawaridza mubhedha wangu zvakanaka

namachira emavara-mavara okuIjipiti erineni.

17Ndapfapfadzira mubhedha

nemura, nearoi nechinamoni.

18Uya tigutsane nezvorudo

kusvikira kwaedza

ngatifadzane nerudo

19nokuti murume wangu haapo,

akafamba rwendo rurefu.

20Akatakura katsapo kemari

anozodzoka mwedzi wave jenaguru.”

21Akamugombedzera namashoko

mazhinji okunyengetedza,

namazwi ake akanyorovera

akamumanikidza.

22Iyewo akabva amutevera pakarepo

senzombe iri kuenda kundouraiwa,

sebenzi riri kutungamidzwa kuchitokisi

23kusvikira abaiwa mudumbu,

seshiri inomhanyira muriva,

asingazivi kuti kuparara kwoupenyu hwake.

24Zvino imi vanakomana

ndinzwei muteerere

mashoko omuromo wangu.

25Mwoyo wako ngaurege

kupindukira kunzira dzake

usagare munzira dzake

26nokuti vaakakuvadza

akarigira pasi vakawanda.

27Imba yake inzira yokuenda

kunzvimbo yavafi,

inodzika kudzimba dzorufu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help