Vakorose 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu

2takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu.

Mwari Baba wedu

ngavakuwanisei

nyasha norugare.

Munamato wokutenda Mwari

3Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai.

4Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose

5pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka

6rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri

7sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu,

8iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya.

9Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya

10kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari.

11Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu.

Kununurwa kwedu

12Norufaro, tendai Baba,

vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami,

muchiedza.

13Vakatinunura kuumambo hwerima

vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo.

14Maari ndimo matakawana ruponeso

rwokuregererwa zvitadzo.

I: CHIDZIDZISOKristu Nebasa rake

15Ndiye mufananidzo

waMwari asingaonekwi.

Dangwe–rume rechisikwa chiri chose

16nokuti maari, Mwari

ndomaakasika namo zvinhu zvose,

zviri pasi nezviri kudenga,

zvinoonekwa nezvisingaonekwi,

kunyange vezvigaro zvokutonga

kana voumambo

kana kuti vane ukuru–ukuru

kana madzishe.

Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari

uyewo ndiye wazvakasikirwa.

17Ndiye nyakutangira zvinhu zvose

uye maari zvinhu zvose

zvinobatanidzwa

zviri mumaoko ake.

18Ndiye musoro womuviri,

musoro wesangano.

Ndiye wokutanga

dangwerume revakabva kuvafi,

kuti muna zvose

ave ndiye wokutanga–tanga

19nokuti maari umwari huzere

hwakafadzwa kuita musha wahwo

20uye kuti nemaari, ayananise

zvinhu zvose naye.

Achizviwadzanisa neropa

romuchinjikwa wake,

zvingave zviri pasi pano

kana zviri kudenga.

Vakorose vane mugove wavo muruponeso

21Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata,

22akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe.

23Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro.

Basa rakaitwa naPauro

24Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano.

25Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere.

26Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake.

27Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri.

28Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu.

29Izvozvi ndizvo zvandakashingairira ndikatamburira nesimba rake rose rinoshanda mandiri zvakanyanya kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help