Isaya 39 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Nhume dzakabva Bhabhironi(2 Madzi 20:12–19)

1Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara akaita nani.

2Hezekiya akavagamuchira zvake akavaratidza dzimba dzake dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo.

3Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvira nepi?”

Hezekiya akati, “Vauya kwandiri vachibva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.”

4Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?”

Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.”

5Isaya ndokuti kuna Hezekiya, “Chiteererai munzwe zvarehwa naTenzi wehondo nehondo.

6Kuchasvika mazuva okuti zvose zviri mumuzinda menyu nezvakachengetwa namadzibaba enyu kusvikira pari nhasi zvitutwe kuendwa nazvo kuBhabhironi pasina chinozosara, ndiTenzi anodaro kutaura.

7Vamwe vana venyu vakomana vamakabereka vachatapwa vakasvikogadzirwa kuitwa vayuniki mumuzinda wamambo weBhabhironi.”

8Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi rawataura ishoko rakanaka, nokuti chero kuine rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help