1Mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama mumwe wokumbahuru aiva mumwe wavatungamiriri vakuru vokwamambo, akauya negumi ravarume kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizipa. Pavakanga vachidya zvavo pamwechete paMizipa ipapo,
2Ishimaeri mwanakomana waNetaniya negumi ravarume raaiva naro vakasimuka vakabaya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa vakamuuraya iye akanga asarudzwa namambo weBhabhironi aitwa sadunhu wenyika iyoyo.
3Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedhariya paMizipa pamwechete navarwi vehondo vechiKaridhea vaakawanikidza varipo.
4Ramangwana acho mushure mokupondwa kwaGedhariya ikoku pasati pava neazviziva,
5pakasvika makumi masere avarume vachibva kuShikemu nokuShiro nokuSamaria vakaveura ndebvu vaine hanzu dzakabvaruka, miviri yavo akachekwachekwa vachiuya nemipiro yembesanwa norusenzi kuzozvipira kuTemberi yaTenzi.
6Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavabudira kuMizipa kuzochingurana navo, akauyako achihwihwidza kuchema. Paakasanganidzana navo akati kwavari, “Uyai mupinde muna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.”
7Pavakapinda muguta, Ishimaeri mwanakomana waNataniya navarume vaaiva navo vakavaponda kuuraya vakavakanda mumugodhi.
8Asi pakati pavo pakaita varume gumi vakateterera kuna Ishimaeri vachiti, “Dai marega zvenyu kutiuraya nokuti tine pfimbi dzekoroni nebhari namafuta eorivhi nouchi zvatakaviga mumasango.” Nokudaro akarega kuvauraya pamwechete navamwe vavo.
9Zvino mumugodhi macho maikanda Ishimaeri zvitunha zvose zvavanhu vaakatsakatisa rakanga riri zimugodhi guru rakacherwa namambo Asa achizvidzivirira kuna Bhaasha mambo weIsiraeri. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akarizadza nevaipondwa ivavo.
10Ishimaeri akazotapa vamwe vose vaiva Mizipa, ava vanoti: vakunda vamambo navanhu vose vakanga vasiyiwa paMizipa vaiva vaiswa Nebhuzaradhani uya mukuru wavachengetedzi vokwamambo mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavatapa ndokubuda opinda munzira oyambukira kuvaAmoni.
11Asi Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo pavakanzwa nezvouipi hwakanga hwaitwa naIshimaeri mwanakomana waNataniya,
12vakatora varwi vavo vose vakaenda kundorwisa Ishimaeri mwanakomana waNataniya. Vakamusvikira ari padziva guru riri kuGibheoni.
13Vanhu vose vaiva naIshimaeri pavakangoona Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo, vakapembera kufara.
14Saka vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri kuMizipa vakapishunuka vodzokera kuna Johanani mwanakomana waKarea.
15Asi Ishimaeri mwanakomana waNetaniya navarume vasere vakapunyuka kuna Johanani akasvovera kuvaAmoni.
16Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo vakatora vamwe vose vakanga vatapwa vaendwa navo naIshimaeri mwanakomana waNataniya kuMizipa mushure mokunge auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, varwi vehondo navakadzi navana navayuniki vakaunzwa naJohanani kubva kuGibheoni.
17Vachiuya kudaro vakamboti garei kuGeruti Chimhamu pedyo neBheterehemu vaiva nepfungwa yokuenda kuIjipiti
18pamusana pokuzeza vaKaridhea nokuti vaivadedera nemhosva yokuti Ishimaeri mwanakomana waNataniya akanga aponda Gedhariya mwanakomana waAhikamu akanga aitwa sadunhu wenyika iyoyo namambo weBhabhironi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.