Isaya 40 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: SHOKO RAKANAKA ROKUNYARADZA

1“Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu”

ndizvo zviri kutaura Mwari wenyu,

2“Taurirai Jerusaremu

mazwi anonyaradza mwoyo,

muparidze Jerusaremu kuti

nguva yenyu yehondo yapera

uye kuti mhosva yenyu yaregererwa

uyewo kuti makatogamuchira kare

kakapetwa kaviri

chirango cheshamhu yaTenzi

chezvitadzo zvenyu zvose.”

3Izwi rinodaidzira richiti,

“Gadzirai murenje mugwagwa waTenzi,

ruramisirai Mwari wedu

mugwagwa mukuru mugwenga.

4Mapani ose ngaafushirwe,

makomo ose nezvikomo

ngazviparadzirwe

zviti pasi sandarara.

Panenge pasina kuenzana

panyatsonzi chechetere,

pana magadhi magadhi

panyatsoti ware ware.

5Mbiri yaTenzi ichaburitswa pachena,

vanhu vose vachaiona pamwechete,

nokuti Tenzi

anozvitaura nomromo wake.”

6Izwi rakati, “Daidzira!”

Ini ndikati,

“Ndodaidzira kuti kuti?”

Iti,

“Vanhu vose zvavo uswa

norunako rwavo rwakaita

seruva zvaro resango.

7Uswa hunouna, ruva rinosvava

pazvinongorohwa nemhepo

inofuridzwa naTenzi kwazviri,

chokwadika vanhu uswa zvahwo.

8Uswa hunouna, ruva rinosvava

asi shoko raMwari wedu

rinogara nokusingaperi.”

9Kwira pamusoro pegomo refu

iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka,

udaidzire nezwi guru

iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka,

daidzira usatye.

Iti kumaguta ekwaJudha,

hoyo, tarirai muone Mwari wenyu.

10Tarisai muone, Tenzi

ari kuuya nesimba rake

anotonga nesimba roruoko rwake.

Tarirai muone,

mubayiro wake anawo,

muripo wake ndiwo waanotungamidza.

11Achafudza zvipfuwo zvake somufudzi

achagumbatira hwayana mumaoko ake

achidzitakura pachifuva chake

achinyatsonanaidza dzina vana.

Shoko rakanaka rechitarisiro

12Ndiani akamboera mvura

yamakungwa nechanza choruoko rwake

kana akamboerawo

matenga nechanza chake,

kana akamboisa ivhu

rapasi pose zvapo mumugomo

kunyange kuera makomo muzvikero,

kana zvikomo muchikero chomurengarenga?

13Ndiani akambotungamirira Mweya waTenzi,

kana segweta rake achimurayiridza;

14waakambondobvunza mazano

kuti amujekesere ndiani;

akambomudzidzisa gwara roruenzaniso ndiani,

akambomudzidzisa

amupa ruzivo ndiani;

akamuratidza nzira yokunzwisisa nayo?

15Chinzwai munzwe,

marudzi ose avanhu aya

akaita sedonhwe remvura

riri mumugomo,

uye akangoita semhukutu

iri muzvikero,

muonewo zvenyu kuti,

zvitsuwa anozvikuhumura zvake

seguruva rakatsetseka.

16Rebhanoni haina huni dzakakwana

kana mhuka dzayo hadzikwane kuita

mupiro wokupisa.

17Marudzi ose zvawo

kwaari iye akangoita

sechinhu chisina maturo,

iye anoaona

seasiri chinhu zvavo

uye sechinhu pasina.

18Mwari mungamufananidze nei chaizvo,

kana kuti chii chaichowo

chamungamuenzanise nacho?

19Chifananidzo chokunamata,

chinotoita zvokugadzirwa nomushandi,

mhizha yezvendarama

yochinamirira nendarama

yochigadzirira cheni dzesirivha.

20Murombo anotozozvisarudzira zvake

huniwo zvadzo dzisingaori

kuti awane chokuitisa mupiro

anotsvakawo nyanzvi inoziva basa

kuzomisa chifananidzo chokunamata

chisingazobviswa.

21Hamuna zvamunoziva here?

Hamuna chamakambonzwa here?

Hamuna here chamakataurirwa pakutanga?

Hamunzwisisi here

mavambirwo akaita nyika?

22Iye agere pamusoro

peziendanakuenda rakatenderedza nyika

ina vanhu vageremo,

vakaita sezvitaunhau

iye akawarira matenga

sejira rokudzikatirisa

anoatambanudza somusasa wetendhe wokugara,

23anoita kuti machinda

ave zvinhu zvisina maturo,

anoita kuti vatongi vapanyika

vave vanhu pasina.

24Vanoita sokungonzi simwei

kana kuti dyarwei

midzi isati yatombobata muvhu,

iye akangovafuridza nemhepo yake

vanobva vawuna

votututswa nemhepo huru ine simba

sehundi.

25Zvino munonditora saani chaizvo

wamunondienzanisa naye?

Ndizvo zviri kubvunzwa naiye Anoera.

26Munodiiko kumbosimudza musoro

mukaonawo kuti ndiani chaizvo

akasika zvose izvozvi,

iye anozvitungamirira sehondo

nouwandi hwazvo kudaro

achizvidaidza zvose namazita.

Pamusana poukuru hwesimba rake

uye nokuti pasimba chikakarara chaicho,

hapana nechimwe chinenge chisipo.

27Nhaiwe Jakobho,

nhaiwe Isiraeri,

unodirei kutaura.

Chii chauri kunyunyutira uchiti?

“Upenyu hwangu ini kuna Mwari

hwava chinhu chakavandika

uye zvokuti ndiwane zvandinofanira kuwana

Mwari haasisina hanya nazvo.”

28Hamuna zvamunoziva here?

Hamuna chamakambonzwa here kuti,

Tenzi ndiye Mwari, Chidzachepo kuti

ndiye Musiki wenyika yose zvayo

kusvika kwainoperera?

Haamborukutika

kana kuneta zvako,

udzamu hwepfungwa dzake

hakuna angahubate.

29Anopa simba

munhu anenge arukutika,

anenge asina simba

anomusimbaradza.

30Kunyange vechidiki

vanorukutika vachitoneta,

majaya anowira pasi nokuneta

31asi vanovimba naTenzi

simba ravo richavandudzwa,

vachabhururuka namapapiro samakondo

vachamhanya asi vasinganeti

vachafamba asi vasingarukutiki.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help