1Mumazuva achauya
zvichaitika kuti
gomo reTemberi yaTenzi
richaitwa kuti rive
gomo rakarebesesa kupfuura
makomo ose zvawo.
Marudzi avanhu achakurumukira
kuenda kwariri,
2ndudzi zhinji dzavanhu
dzichauya dzichiti:
“Uyai, tikwire kugomo raTenzi,
kumba yaMwari wokwaJakobho
atidzidzise makwara ake,
titevedze nzira dzake
nokuti muZioni
ndimo muchabva mutemo,
shoko raTenzi
richabva kuJerusaremu.”
3Ndiye achava mutongi
wamarudzi avanhu akawanda
achienzanisira mhosva
dzendudzi dzavanhu
kusvikira kuna vari kure kure.
Vachapfura mapakatwa avo
vachiaita miromo yegejo,
mapfumo avo vachiaita
majeko okupemhenesa miti nawo,
pasisina rudzi runosumudzira
rumwe rudzi bakatwa,
uye zvokudzidza kurwa hondo
panenge pasisina.
4Asi munhu wose
achagara pamunda wake
wamagirepisi newamaonde,
pasina anovatyisidzira
nokuti ndozvataurwa naTenzi
wehondo nehondo nomuromo wake.
5Asi zviripowo ndezvizvi zvokuti:
marudzi ose avanhu,
rudzi norudzi runofamba
muzita ramwari warwo.
Isuwo tichafamba muzita
raTenzi Mwari wedu
narini narini.
Kudzoka kwavaIsiraeri kuutapwa6“Zvanzi naTenzi, pazuva iroro,
ndichaunganidza zvirema,
ndichakokorodza vakadzingirwa kure
navandakapinza nhamo.
7Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita
chitsama chacho chavanhu vanosara.
Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya
ndichavaita rudzi rwakasimba.
Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni
kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.”
8Kana zviri zvewe
nharirire yedanga rezvipfuwo,
iwe gomo reguta reZioni,
ukuru hwawaiva nahwo,
uchahudzoserwa.
Umambo huchauya
paguta reJerusaremu.Zuva routapwa rasvika
9Zvino chii chaizvo
chaunobongomorera kudai?
Asi mauri hamuna mambo here?
Jinda rako raparara here
kubva warwadzwa kudai
somukadzi arwadziwa napamuviri?
10Shanyarika udunure,
iwe guta reZioni
somukadzi arwadziwa napamuviri
nokuti iye zvino uchabva muguta irori
undogara musango zvamo.
Uchaenda iwe kuBhabhironi,
ikoko uchaponeswa.
Tenzi achakununura ikoko
mumaoko mavavengi vako.
11Izvozvi marudzi mazhinji avanhu
ari kukukokerana achiti,
“Guta reZioni ngarin'oreswe,
tirionerere.”
12Asi zviri mumwoyo maTenzi
havazvizivi,
zvirongwa zvake, havazvinzwisisi
kuti atovaunganidza sezvisote
zvaunzwa paburiro.
13“Chisimuka upure zvako
iwe guta reZioni
nokuti ndichaita kuti uve
nenyanga dzesimbi
namatsiko endarira
uchapwapwanyisa marudzi namarudzi
ugopira kuna Tenzi
zvavakanga vawana,
kupira upfumi hwavo
kuna Changamire wapasi pose.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.