Nziyo 80 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi, imbisa rumbo urwu rwechapupu chaAsafu sezvinoita ane chokuimbisa chine tambo dzokukungisa Rwiyo.Munamato wokukumbirira nyika kuti idzorerwe kune zvayakanga yakaita.

1Teererai imi mufudzi weIsiraeri

imi munotungamirira vokwaJosefi

sedanga rehwai,

imi mune chigaro chenyu choumambo

pamaKerubhi, bwinyai

2kune vokwaEfuremu novokwaBhenjamini

nokune vokwaManase.

Kokai simba renyu

muuye kuzotinunura.

3Tiiteiwo zvatakanga takaita kare, Mwari,

chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe.

4TENZI wehondo nehondo,

kusvikira rinhiko makashatirwa

neminamato yavanhu venyu.

5Kuchema ndiko kwava chokudya chavo,

makavapa misodzi kuti vanwe

zvokutogondwa.

6Munoita kuti vavakidzani vatirwirane

vavengi vedu vachitotiseka pakati pavo.

7Tiiteiwo zvatakanga takaita kare

Mwari wehondo nehondo.

Chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe.

8Makauya nomugirepisi

kubva kuIjipiti

mukadzinga vechirudzi mukausima.

9Makaugoborera

ukadzika midzi yawo

ukazadza nyika.

10Makomo akafukidzwa

nomumvuri wawo

nemiti yomusidhari yakafukidzwa

namapazi awo.

11Mapazi awo akatandavara

kusvika kugungwa

uye mabukira awo akasvika

kurwizi rweYufuretesi.

12Ko zvino makagopazireiko

tsvingo dzayo

zvokuti vose vanopfuurawo

zvavo nenzira vanotanha

michero yawo.

13Nguruve yomusango

inoutsika-tsika zvayo,

zvose zvinofamba musango zvinoudya.

14Dzokaizve Mwari wehondo nehondo

mutarire muri kudenga

muone zvenyu,

ivai nehanya nomugirepisi uyu.

15Nzvanzvana yomugirepisi

yamakadyara nesimba roruoko rwenyu rworudyi

dungira ramakaita kuti rive renyu.

16Vakaupisa nomoto;

vakautema,

ngavaparare nokungoona

uso hwenyu hunotsiura hoga.

17Simba roruoko rwenyu

ngarive pamusoro pomunhu

ari kurudyi rwenyu

Mwanakomana womunhu wamakazvisimbisira pachenyu.

18Ipapo hatizombofa takakufuratirai,

tipeiwo upenyu

isu tinodaidza zita renyu.

19Tiiteiwo zvatakanga takaita kare

TENZI Mwari wehondo nehondo.

Uso hwenyu ngaupenye mutiponese.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help