Nehemiya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku raNehemiya rakanga riri rimwechete nebhuku raEzira. Bhuku iri rinotaura nezvokudzokera kwakaita Nehemiya kuJerusaremu achibva kuBhabhironi kuutapwa nokuvakazve kwaakaita rusvingo rweJerusaremu nokuverengwa kwakaitwa shoko raMwari naEzira uye kutonga kwaNehemiya ari gavhuna wokwaJudha. Bhuku iri rine zvidimbu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvokuvakwazve kwerusvingo rweJerusaremu. Abva mukunamata, akabvumirwa namambo Atakizesesi kudzokera kuJerusaremu kundoita basa iroro. Vavakidzani veIsiraeri havana kufadzwa nazvo. Saka vakatanga kushora zvaiitwa uye kuvatadzisa kuvaka vachida kuvarwisa. Mukati maJudha maivawo nezvinetso zvavapfumi vaiita udzvinyiriri kuvarombo. Asi Nehemiya akazvikunda nokunamata akachenura Temberi nokudzika mutemo wokuchengeta Sabata uye kuti vaJudha vose vasiyane navakadzi vechirudzi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raNehemiyaNehemiya anodzokera kuJerusaremu (1:1—2:20)Kuvakwa kworusvingo rweJerusaremu (3:1—7:73)Kuverengwa kwomutemo nokuvandudzwa kwechitenderano (8:1—10:39)Zvimwe zvakaitwa naNehemiya (11:1—13:31)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help