1Horofenesi akazoti vapinzwe maichengeterwa ndiro dzake dzesirivha akavati vamuisire zvokudya patebhuru, nezvake iye Horofenesi pachake uye vamuperekere waini yake iye mbune, kuti anwe.
2Asi Judhisi akati, “Handingakwanise kudya chokudya ichi ndingadaro ndikakanganisa. Ndichangopona nembuva yandauya nayo.”
3Horofenesi akati kwaari, “Ko zvino iyo mbuva yako ikapera tinokuwanira kupi imwe yakadaro, kuno kusina wokwako kudai.”
4Judhisi akati kwaari, “Sezvamuripo kudai, changamire, ndinopika kuti, ‘Ini muranda wenyu handimbopedza kudya zvandinazvo izvi, Tenzi asati aita noruoko rwangu zvaakaronga kuita.’ ”
5Vokuchengetedza Horofenesi vakamuendesa mutendhe maakandorara kusvikira pakati pousiku. Nguva yamambakwedza yava kuda kusvika, Judhisi akamuka.
6Izvozvo akanga agara atuma kare shoko rokuti, “Changamire udzai vanhu venyu kuti varege ini muranda wenyu ndichibuda zvangu kundonamata.”
7Saizvozvo Horofenesi akaudza vokumuchengetedza kuti vasamurambidze. Judhisi akagara mumusasa wamatendhe imomo kwamazuva matatu achibuda usiku hwoga hwoga achienda kubani reBheturia achindoshamba muviri pachisipiti chaiva mumusasa imomo.
8Paainge abva kukasipiti ikako ainamata Tenzi Mwari weIsiraeri kuti amutungamirire pakusumudzira upenyu hwavanhu vokwake.
9Nokudaro aidzoka ikoko achenurwa. Aizoswera zvake mutendhe imomo akadaro kusvikira kumanheru ndopaaitozodyawo zvake mbuva yake iya.
Mabhiko aHorofenesi10Pazuva rechina Horofenesi akaitira machinda ake chete mabiko. Vakuru vakuru vehondo yake, haana kuvakoka.
11Akataurira Bhagoa mumwe muyuniki aiva mutariri wezvinhu zvake zvose iye womene kuti, “Enda undonyengetedza mukadzi uya muHebheru ari mumaoko ako auyewo azodya nokunwa nesu.
12Chingava chinhu chakafumuka kana tikaregedza mukadzi akaita souyu achienda zvake tisina kumbotandadzana naye. Ndinodaro nokuti kana tikarega kumupfimba anozotiseka.”
13Saizvozvowo Bhagoa akabuda maiva naHorofenesi akandosvikoti kuna Judhisi, “Nhai mushandiri wedu tsvarakadenga yomusikana, wanga wadii zvako kuuya kuna tenzi wangu wazomboremekedzwa kwaari uku, uchinwawo zvako waini umbosasanawo nesu umboitawo nhasi uno sezvinoita vasikana vechiAsiria vanoshanda mumuzinda waNebhukadhineza.”
14Judhisi akapindura achiti, “Ndiri aniwo zvangu, panguwo pano, kuti ndirambire tenzi wangu? Chose chose chinodiwa natenzi wangu kuti chiitwe ndinobva ndatochiita pakarepo, chichave chinhu chichandifadza kusvikira zuva rokufa kwangu.”
15Nokudaro akasimuka akazvishongedza nezvishongo zvose zvavanhukadzi. Murandasikana uya akafanotungamira mberi akandowaridza pamberi paHorofenesi dehwe rine mvere raakanga apiwa naBhagoa rokushandisa mazuva ose rokuti agarepo akazendama pariri paainge ava kudya.
16Judhisi akapindamo ndokusvikotseyama, Horofenesi ndokubva atorwa mwoyo chaizvo naJudhisi. Akapindwa mwoyo noruchiva rwokuda kuti Judhisi ave wake nokuti aingomuvemberedza kuti amuwanire kanguva kaangamunyengedze kubvira musi waakatanga kumuona.
17Saka Horofenesi akamuti, “Zvino wochinwa zvako umbosasanawo nesu!”
18Judhisi ndokuti, “Kwazvoka changamire wangu, ndichainwa nhasi nokuti kubvira kuberekwa kwandakaitwa, handisati ndamboona kukosha kwoupenyu hwangu sokuona kwandiri kuhuita nhasi uno.”
19Akabva atora akadya akanwa akatarisana naHorofenesi, zviri zvinhu zvakanga zvagadzirwa nomuranda wake uya.
20Horofenesi akafadzwa naye zvikuru kwazvo akadutira waini zvokuti akanga asati ambonwa waini yakadaro pazuva rimwechete chingo chaakaberekwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.