1 Samueri 27 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

D: DHAVHIDHI ARI MUNYIKA YAVAFIRISITIA

1Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.”

2Nokudaro Dhavhidhi navanhu vake mazana matanhatu vaaiva navo akasimuka akayambukira kwaAkishi mambo wokuGati, mwanakomana waMaoki.

3Dhavhidhi akaita musha kuGati achigara naAkishi, iye pamwechete navanhu vake, mumwe nomumwe nemhuri yake. Aiva navakadzi vake vaviri, Abhinoamu wokuJezireeri naAbhigairi wokuKarimeri, chirikadzi yaNabhari.

4Shoko parakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi akatizira kuGati, Sauro akabva aregera zvokumutsvaka.

5Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.”

6Musi iwoyo, Akishi akamupa guta reZikiragi, nokudaro Zikiragi rakabva rava guta ramadzimambo okwaJudha kusvikira pari nhasi.

7Dhavhidhi akagara munyika yavaFirisitia gore nemwedzi mina.

8Dhavhidhi navarwi vake vakakwira kundopamba vaGeshuri nevaGeziri navaAmereki nokuti vanhu ivava kubvira pasichigare ndivo vaigara kumatunhu okunge tava kuenda kuShuru nokuIjipiti.

9Dhavhidhi paakarwisa matunhu iwayo, haana kumbosiya munhu, murume kana mukadzi, ari mupenyu. Aituta hwai nemombe namadhongi nenghamera nezvokupfeka obva adzokera kuna Akishi.

10Akishi aizomubvunza kuti, “Ko wanga waenda kundorwisa kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Ndandorwisa Negevhu yokwaJudha,” kana kuti “Negevhu yokwaJerahimeeri neNegevhu yokuvaKeni.”

11Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia.

12Akishi akavimba naDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi anyatsozvivengesa chaizvo navanhu vake vechiIsiraeri, saka achagara ari muranda wangu narini.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help