1 Vatesaronika 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Garai makagadzirira kuuya kwaTenzi

1Hama dzangu, kana zviri zvemisi nenguva hazvina chazvinokubatsirai kukunyorerai nezvazvo

2nokuti imi pachenyu munonyasozviziva kuti zuva raTenzi richauya sembavha usiku.

3Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka.

4Asi imi hamusi murima hama dzangu, kuti zuva iroro riyerekane rakunyangirai sembavha.

5Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima.

6Naizvozvo ngatiregei kukotsira sezvinoita vamwe. Asi ngatirambei takasvinura, pfungwa dzedu dziri pamwechete

7Vanokotsira, vanokotsira usiku. Vanoraradzawo vanoraradza usiku.

8Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso.

9Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu

10akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye.

11Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino.

Mazwi okuonekana

12Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai.

13Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka.

14Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose.

15Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka.

16Farai nguva dzose.

17Namatai nguva dzose

18uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu.

19Musadzimure Mweya Mutsvene.

20Musashore chiporofita,

21asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei.

22Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo.

23Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu.

24Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita.

25Hama tinamatireiwo.

26Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene.

27Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose.

28Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help