Nziyo 37 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mugumo wakanaka newevakaipaRwiyo rwaDhavhidhi.

1Usazvinetse nezvevanhu vakaipa,

usaitire shanje vanoita zvakaipa

2nokuti vachakurumidza kuuna souswa

vachabhuruvara samakwenzi manyoro.

3Vimba naTENZI uite zvakanaka,

naizvozvo uchagara panyika ugarike.

4Fara naTENZI

iye achakupa zviri pamwoyo pako.

5Isa upenyu hwako muna TENZI

vimba naye, iye achaona zvokuita.

6Achaita kuti ururami hwako

hubude pachena sechiedza

uye mamiriro oupenyu hwako

sezuva ramasikati.

7Iti zii-i pana TENZI

umumirire chinyararire.

Usazvinetse zvako

nezvomunhu anobudirira

mune zvaanoita,

munhu anoita zvinhu zvakaipa.

8Regera kuita hasha,

usaite godo

rega kuzvidya mwoyo

zvinokupinza munezvakaipa,

9nokuti vakaipa vachaparadzwa

asi vanotarisira naTENZI

vachava ndivo varidzi venyika.

10Kunongoita kanguva kaduku chete,

vakaipa panenge pasisina.

Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake

anenge asisipo.

11Asi vanozvirereka vachava ndivo

varidzi venyika

vachazofara nokubudirira kukuru.

12Munhu akaipa anorongera mururami

zano rakaipa achimuzhinyurira mazino.

13Asi TENZI anoseka wakaipa

nokuti anozviona kuti zuva rake richasvika.

14Vakaipa vanozvomora mapakatwa avo

nokutatamura uta hwavo

kuti vauraye varombo

navasina chavanacho.

Kuti vauraye vanofamba zvakarurama.

15Bakatwa ravo richavabaya ivo mwoyo

uye uta hwavo huchatyorwa.

16Vakarurama zvavanazvo zvishoma

zvirinani pane zvakawanda

zvavakaipa vazhinji.

17Maoko avakaipa achatyorwa

asi TENZI anotsigira vakarurama.

18TENZI ane hanya noupenyu hwavakarurama.

Nhaka yavo ichavapo nokusingaperi.

19Pamazuva akaipa havambonyadziswa

pamazuva enzara ivo vanenge vane maguta.

20Asi vakaipa vachaparara

mhandu dzaTENZI dzakafanana

nokunaka kwamafuro

anonyangarika soutsi.

21Muipi anokwereta

asi haadzore

asi mururami

ane mwoyo wokupa uye anopa

22nokuti vanokomborerwa naTENZI

nyika ichava yavo

asi vaanopa rushambwa

vanobva vaparara.

23Munhu kana achifamba

anotungamirirwa naTENZI;

anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza

24Kunyange akawa, haabva ati mbombombo

nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko.

25Ndakanga ndiri muduku

asi zvino ndakwegura,

asi handina kumboona

vakarurama vachiraswa

kana vana vake vachikumbira chingwa.

26Anogara achipa zvakawanda

uye achikweretesa

vana vake vachiva chikomborero.

27Siana nouipi uite zvakanaka

nokudaro uchagara nokusingaperi

28nokuti TENZI anoda ruenzaniso;

haarasi varurami vake.

Achavachengetedza nokusingaperi

asi vana vavakaipa vachaparadzwa.

29Vakarurama ndivo vachava varidzi venyika

uye vachagaramo nokusingaperi.

30Muromo womururami unotaura zvine ungwaru

rurimi rwake runotaura noruenzaniso.

31Mutemo waMwari wake uri maari

haadzadzariki pakufamba.

32Wakaipa anovandira wakarurama

achitsvaka kumuuraya.

33TENZI haamurege achiwira mumaoko ake

kana kumurega achipiwa mhosva paanotongwa.

34Mirira TENZI uchengete nzira yake.

Iye achakukudza kuti nyika ive yako;

unotozoona kuparadzwa kwavakaipa.

35Ndakamboona munhu wakaipa ano mukundo

akati dzuu kwazvo somusidhari weRebhanoni.

36Ndakazopfuurazve napo

asi akanga asisipo.

Ndakamutsvaka asi akanga asisipo.

37Tarira uone munhu akarurama

uone munhu ari pachokwadi,

nokuti munhu worugare aneramangwana.

38Vatadzi vanofanira kuparadzwa zvachose

upenyu hwavo hwamangwana huchaparadzwa.

39Ruponeso rwavakarurama

runobva kuna TENZI

ndiye diziro ravo panguva yenhamo.

40TENZI anovabatsira uye anovanunura.

Anovanunura kuvakaipa achivaponesa

nokuti vanovanda maari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help