Sira 35 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuteura miteuro nokuchengeta Mutemo

1Anochengeta Mutemo ari kutopira mipiro yakawanda.

Anoteerera mitemo ari kutopira mupiro wokuwadzana.

2Kudzorera mutsa kupira

mupiro woupfu hwakanyatsotsetseka.

Kupa murombo chipo kupira mupiro wokutenda.

3Kufuratira uipi kunofadza Mwari

kusiyana nezvakaipa kutopira muteuro

wokupfupira zvitadzo ikoko.

4Usauye pamberi paMwari usina chaunacho mumaoko,

nokuti izvozvi zvose zvakatemwa noMutemo kuti zviitwe.

5Muteuro womunhu wakarurama,

igomborero kuatari

munhuwi wawo unokwira kuna Wokumusorosoro.

6Mupiro womunhu akarurama unogamuchirika

haumbokanganwikwa.

7Rumbidza Mwari nomwoyo wako wose;

usaite rutsuta nembeswa dzako dzinotanga kuibva.

8Kupa kwaunoita kwose, ipa uchinyemwerera;

pira chegumi chako nomufaro.

9Ipa kuna Wokumusorosoro sokupa kwaakakuitawo,

nomwoyo wako wose sokuwana kwaunenge waita,

10nokuti Mwari ndiye anokudzosera,

anokudzosera kakapetwa kanomwe.

Mwari haana rusaruro

11Usape Mwari pfumbamuromo, haaigamuchiri

usapire kwaari mupiro wakawanikwa

nomutoo usina kururama,

12nokuti Mwari ndiye mutongi

uye, haana rusaruro.

13Haana kwaanorerekera kuti zviipire murombo,

asi anonzwa chichemo cheanenge atadzirwa.

14Haashairi hanya chichemo chenherera,

kana chichemo chechirikadzi inodurura

nhuna dziri pamwoyo payo.

15Misodzi yechirikadzi inoerera padama handiti?

Misodzi iyoyo ndeyokuchema nomunhu iyeyo anoikonzera kuerera.

16Munhu anoitira Mwari nomwoyo wose anogamuchirwa,

munamato wake unosvika kumakore.

17Munamato womunhu wakazvirereka unotunga makore,

haambonyaradzwi kudzimara munamato wake

wasvika kuna Mwari.

18Haanyarari kusvikira

Wokumusorosoro apindira nyaya yake

agoitira varurami ruenzaniso.

19Uye aita zveruenzaniso

Mwari haanonoki,

kana kuitira vakaipa mwoyo murefu pakadaro

20kudzamara ati aparadza vasina tsitsi,

nokutsividza vechirudzi,

21kudzamara atsakatisa uzhinji hwavanozvikudza,

nokutyora tsvimbo dzoumambo dzavasina kururama,

22kusvikira apa mumwe nomumwe zvakaenzanirana

nezviito zvake,

achipa vanhu zvakaenzanirana nezvavaidira kuzviita,

23kudzimara ati apa vanhu vake zvavanofanira

kuti vave nazvo,

achiita kuti vafarire kwazvo tsitsi dzake kwavari.

24Chinhu chinofadza chaizvo munhu kuwana tsitsi panguva,

yokutambudzika kwake, dzinenge

hore yemvura gore rakunenge kusina mvura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help