1Asi kuvanhu venyu vatsvene kwakanga kwakachena
zvikuru kwazvo.
VaIjipiti vainzwa kutaura kwavaIsiraeri asi vakanga
vasingavaoni chimiro chavo.
Vaitoti, “Vakakomborerwa zvavo vasingaoneswi nhamo.”
2Vakavatenda nokuti vaIsiraeri havana kuvatsividza
kunyange zvazvo vakanga vavatadzira,
vakakumbira kuregererwa
kusawirirana kwavo navo.
3Naizvozvo vana venyu, hamuna kuvatibikira nerima,
asi makavapa zirimi romoto,
kuti rivatungamirire nzira
yerwendo rwavakanga vasingazivi;
uye kuti rivewo zuva risingakuvadzi
rorwendo rwokutama
kwavo rune mbiri.
4Asi vavengi vavo vakanga vachikodzera
kunyimwa chiedza, vakapfigirwa murima,
nokuti vakanga vaita vana venyu varanda vavo,
vaizoshandiswa kuti mwenje
usingadzimiki womutemo wenyu upiwe pasi pose.
VaIjipiti navaIsiraeri: Rufu rwamatangwe eIjipiti5Zviya zvakaita vaIjipiti bangano rokuuraya vana
vaduku vavaIsiraeri,
mwana mumwechete akanga araswa,
ndiye akazoponeswa,
makazoranga vaIjipiti nokuvatorera
mazana namazana avana vavo,
makavaparadza pamwechete
namafashamo emvura.
6Usiku hwacho ihwohwo hwakanga
hwakafanoziviswa madzibaba edu,
kuitira kuti vasimbaradze nechokwadi chaicho
chezvitsidzirano zvavakanga
vasimba nazvo.
7Kuponeswa kwavarurami
nokuparadzwa kwavavengi vavo, ndizvo
zvavaitarisirwa navanhu venyu
8nokuti nokuranga ikoko kwamakaita vavengi vedu
makatidaidza kwamuri mukatiwanisa mukurumbira.
9Vana vavarurami vakazvipira kunaMwari
vakapira zvibairo zvepachiwande
nomwoyo mumwechete vose vakabvuma mutemo waMwari,
wokuti vose vachava vakarurama nomugove wakangoenzana,
zvakanaka nezvakaipa;
nguva yakareyo vakatenge
voimba nziyo dzamadzibaba avo.
10Asi vakanzwa maungira emheremhere dzavavengi vavo,
pamwe nokugurukuta vachichema vana vavo kwakanzwika kure.
11Muranda airangwa zvimwechetezvo zvaiitwa tenzi wake.
Nhamo yaiwira munhuwo zvake,
ndiyowo yaiwira mambo.
12Vose vakawirwa norufu rumwecheterwo,
zvitunha zvakanga zvisingaverengeki,
vapenyu vakanga vasingakwani kuviga vakafa,
nokuti nenguva imwe yoga
vana vavo vakakosha vakaparara.
13Kunyange zvazvo vakanga vasina kutenda
zvose pamusana pamaminimini avo,
asi pakazoparadzwa matangwe avo,
vakazobvuma kuti Isiraeri mwana waMwari.
14Kuzoti pasi pose pachiti ziro–o,
ihwo usiku husingatani kuedza hwakwana hwava pakati pahwo
15ndopakabva kudengadenga izwi renyu rine simba guru
richisvetukira pasi richibva pachigaro
chenyu choumambo; rakasvika panyika
yakanga yapinda nhamo
richinge murwi asina tsitsi,
16ane bakatwa rinopinzwa romutemo wenyu wapachokwadi.
Parakati dzi, rakabva razadza nyika yose norufu;
raisvika kudenga iro rakamira pasi.
17Vanhu ndokubva vabatwa nokutya
nezvinhu zvavaiona mukurota,
vakawirwa nokutya kwavakanga vasingambofungiri.
18Vakati pasi rapata vachitandadza, vachiti mumwe
apo mumwe apo.
Iko kufa kwavo kwairatidza kwoga kuti
chavaifira chii,
19nokuti zvavakanga varota zviya zvaivadzongodza mwoyo,
zvakafanovayambira,
kuitira kuti varege kungoparara
vasingazivi kuti vari kufirei.
Munamato waAroni wakaponesa vaIsiraeri kurufu20Asi kana varuramiwo rufu irworwu rwakavabata,
denda rakawira vazhinji mugwenga
asi hasha dzacho hadzina kuramba dzichienda mberi
21nokuti munhu akarurama akabva akurumidza kuvamiririra.
Akatora nhoo yebasa rake,
zvinoti munamato nomuteuro
werusenzi wokupfupira zvitadzo.
Akapodza hasha dzenyu,
achiita kuti denda rimiswe,
zvikaratidza kuti muranda wenyu.
22Akagumisa hasha idzodzo,
kwete nokugwinya kwomuviri wake,
kana nesimba rehondo
asi akatonhodza murangi nezwi rake,
nokumuyeuchidza zvitsidzirano
nezvitenderano zvakanga
zvaitwa kumadzibaba edu.
23Zvakati zvitunha zvaita mirwi,
akamira pakati pavapenyu nemi,
kuti hasha dzenyu
dzirege kuenda kuvapenyu.
24Gemenzi rake raimirira pasi pose,
mazita anomukurumbira amadzibaba edu
akanga akanyorwa pamatombo anokosha
akanga akaita mitsara mina,
zita renyu rakanga rakanyorwa
pangundu yomumusoro make.
25Izvi zvakaita kuti muparadzi amire, atye;
nokuti kuratidza kwamakaita hasha dzenyu
kwoga kwakanga kwakakwana.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.