Tsumo 26 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Benzi harikodzeri kukudzwa

sezvakangoita kuwana chando pazhizha

kana mvura yokunaya pachirimo.

2Sokubhabhama kunoita shiri

uye sokubhururuka kunoita nyenganyenga

ndozvakaita kurengerera rushambwa

pasina chikonzero, hakubatirire.

3Bhiza rinoda tyava

mbongoro inoda matomhu

musana webenzi unoda shamhu.

4Usapindure benzi sebenzi

ungadaro ukafanana naro.

5Pindura benzi maererano noupenzi hwaro

kuti rirege kuzvitutumadza serakangwara.

6Kutumira shoko nebenzi

unopera tsoka

uye kutozviparira.

7Sezvakangoita makumbo echirema

anongorembera zvawo

ndozvakangoita tsumo

pamuromo pebenzi.

8Kuremekedza benzi

kwangofanana nokuisa

dombo murekeni.

9Sezvakangoita munzwa

mumaoko echidhakwa

ndozvakaita tsumo

mumuromo webenzi.

10Kupinza benzi basa

kwakaipa kupinda

kupinza basa mupfuuri nenzira.

11Zvakangoita imbwa

inodya marutsi ayo

ndozvakaita benzi

rinodzokorora upenzi hwaro.

12Wakamboona here munhu

anozviti pachake iye mungwaru?

Benzi riri nani pane munhu iyeyo.

13Nyope inoti munzira mune shumba

mumugwagwa mune mhondoro.

14Gonhi rinotenderera pamahinjisi aro

ndozvinoita tsimbe pauriri hwayo.

15Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindindi

achizoita nungo dzokurudzorera kumuromo.

16Tsimbe inozviona seyakangwara

kupinda vanhu vanomwe

vanokwanisa kupindura zvino musoro.

17Munhu anozvipinza mugakava risiri rake

akafanana nomunhu anoti

imbwa iri kupfuurawo napanzeve kachi.

18Zvakaita benzi rinokanda

zvitsiga zvomoto nemiseve norufu

19ndozvakaita munhu anonyengedza mumwe wake

ozoti, “A, kuseka zvangu.”

20Pasina huni moto unodzima,

pasinawo munhu wamakuhwa

zvokupopotedzana zvinopera.

21Zvakangoita marasha

kumazimbe omoto

uye huni kumoto

ndizvo zvakaita munhu wenharo

kumutsa muchokoto.

22Mazwi emunhu anotaura makuhwa

anenge misuva inonaka,

inonyatsoti dyoo mukatikati momuviri.

23Sakaya kanopenyerera kakakwenenzverwa

kuputira ndiro

ndozvine miromo inotaura zvinyoronyoro

asi nemwoyo wakaipa.

24Munhu anovenga anonyengedza

nemiromo yake,

iye akavanza unyengedzi mumwoyo make.

25Kana achitaura zvakanakisisa

rega kuzvigamuchira

ane zvinhu zvinomwe

mumwoyo make zvinosemesa.

26Kuvenga kwake kungavanzwe

zvako nounyengedzi

asi uipi hwake hunoburitswa pachena pagungano.

27Anochera gomba, achawira mariri,

dombo rinotsitsirira

anotanga kurigudumutsa.

28Munhu worurimi runonyepa

anovenga vaanonyepera,

munhu womuzvambarara imharadzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help