Hosea 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muporofita Hosea nomukadzi pfambi

1Tenzi akanditiwo, “Chiendazve undodanana nomukadzi ane chikomba iye ari pfambi, sezvakangoitawo Tenzi anoda vanhu veIsiraeri, kunyange zvazvo ivo vachitendeukira kune vamwe vamwari vachitorwa mwoyo nezvambwa zvamaonde,

2saizvozvo ndakamubvisira mari yesirivha yemashekeri gumi namashanu nebhari inoita masaga matatu.”

3Ndakamuti, “Unofanira kugara somudzimai wangu kwemazuva mazhinji. Zvoupfambiwo izvi kana zvokuenda kune mumwe murume, woregera. Iniwo ndozvandichaita kwauri.”

4Ndinodaro nokuti vaIsiraeri vachagara kwamazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro kana musimboti unoera zvawo kana hanzu yeefodhi kana terafimu zvaro.

5Mushure maizvozvo vaIsiraeri vachadzoka zvavo kuzotsvaka Tenzi, Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya kuna Tenzi vachitya kumakomborero ake mumazuva achauya iwayo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help