Muparidzi 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Ungwaru noupenzi

1Panechimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chinoremera vanhu kwazvo.

2Munhu anopiwa naMwari upfumi nepfuma noukuru zvokuti haana chaanenge achida chaanoshaya asi Mwari orega kumupa simba rokuti afadzwe nazvo asi mutorwa ndiye wofadzwa zvake nazvo. Izvi hazvinzwisisiki uye chinhu chinorwadza.

3Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye.

4Kuuya kwake hakunzwisisiki, anopinda murima, zita rake richibva rakwidibirwa nerima.

5Chimwezve ndechokuti haana kuona zuva, kana kumboziva chinhu asi uyu anowana zororo kupinda iye.

6Kunyangwe akagara chiuru chamakore chakapetwa kaviri iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka, handiti vanhu vose vanoenda kunzvimbo imwecheteyo?

7Kushingaira nebasa kunoita munhu, anenge achishandira muromo asi havi yokuda kudya haiperi.

8Ko munhu ane ungwaru chii chaanokunda nacho benzi uyewo murombo anowanei nokuziva kwake kuzvibata pane vanhu?

9Chinhu chauri kuona neziso

chiri nani pane chauri kusuwira

izvozviwo hazvinzwisisiki.

Kunongova kudzingirira mhepo.

10Chinhu chipi nechipi chakambovapo

chikatotumidzwa zita

munhu anozivikanwa kuti chii

uye haakwanisi kukwidzana dare

neane simba kupinda iye.

11Panowanda zvinotaurwa,

zvisinganzwisisiki zvinowandawo

chazvinobatsira munhu chii?

12Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake

hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri.

Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika

mushure pasi pedenga.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help