Jeremiya 24 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chiratidzo chetswanda mbiri dzemaonde

1Mushure mokunge Nebhukadhireza mambo weBhabhironi atapa muJerusaremu Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha pamwe namachinda okwaJudha nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare akavaendesa kuBhabhironi, Tenzi akandionesa chiratidzo chakadai izvi. Ndakaona tswanda mbiri dzemaonde dzakagadzikirwa pamberi peTemberi yaTenzi.

2Imwe tswanda yacho yakanga ine maonde akanakisisa kwazvo akaita samaonde aye anotangisisa kuibva. Asi imwe tswanda yacho yakanga ina maonde akaipisisa kwazvo, akanga akaipa zvokuti akanga asingadyiki.

3Tenzi akanditi, “Nhai Jeremiya chii chauri kuona?”

Ini ndikati, “Maonde! Maonde akanaka, akanakisisa kwazvo! Uye namaonde akaipa akaipisisa kwazvo! Asingadyiki akaipisisa zvokuti akanga asingadyiki.”

4Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri roti,

5“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri sezvakangoita maonde aya akanaka, ndizvo zvandichangoita kuona kwandichaita nhapwa dzokwaJudha dzandakabvisisa munzvimbo ino dzikaendwa nadzo kunyika yavaKaridhea ndichavaona savanhu kwavo vakanaka.

6Ndichazoramba ndakaisa ziso rangu pavari kuitira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavadzosera kunyika ino. Ndichavadyara ndisingazovadzipuri, ndichavasima ndisingavadzipuri.

7Ndichavapa mwoyo wokuziva kuti ini ndini Tenzi uye vachava vanhu vangu, iniwo ndiri Mwari wavo nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.

8“Asi zvanzi naTenzi, ‘Sezvakangoita maonde akaipa zvokuti haadyiki, ndizvo zvandichaitawo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha namachinda ake nechitsama chavanhu vachasara munyika muno navanhu vagere kunyika yeIjipiti.

9Ndichaita kuti vave chinhu chinokatyamadza nyika dzose dzapasi pano uye kuti vave chokutukisa nacho, vachiva dimikira, nechiseko, uye kuti vave chinhu chino rushambwa kunzvimbo dzose kwandichavadzingira.

10Ndichavatumidzirawo bakatwa neshangwa yenzara nedenda kusvikira vanyatsoparara munyika yandakapa ivo, namadzibaba avo.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help