Sira 50 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Simoni mupristi mukuru

1Simoni mwana waOniasi mupristi mukuru aiva

mutungamiriri wehama dzake ndiye aidadwa naye navanhu

nokuti panguva yake ndiye akavaka Temberi

payakanga yapazwa,

nokusimbisawo nzvimbo inoeresesa.

2Iyewo ndiye akavaka ugaro hworusvingo rwakaturikidzwa

kaviri, rwakakwidziridzwa

kuvakwa kuti rutsigise chivanze cheTemberi.

3Namazuva ake iwayo kwakacherwa tsime,

rakakura senyanza kutenderera.

4Akafunga nzira dzokuti aponese nadzo vanhu vake,

kuti varege kuparadzwa.

Ndiko kusaka akasimbisa rusvingo rweguta kuitira

kuti vazvidzivirire kana vakombwa.

5Hakusi kufadza kwazvaiita kumuona

akakomberedzwa navanhu vake!

Pakubuda kwaaiita achibva nokuseri

kwechidzikatiro chomuTemberi

6ainge hweva iri mukati memakore,

kana kuti mwedzi wejenaguru.

7Ainge zuva rinopenya pamusoro peTemberi yoWokumusorosoro

kana kuti somuraraungu wakanangana namakore anopenya.

8Ainge maruva amarozi panguva yepfumvudza

kana kuti ruva ramahapa pachisipiti chemvura

kana kuti muti una mashizha manyoro

kuRebhanoni pazuva romuzhizha.

9Ainge moto nerusenzi mubisiro.

Ainge mudziyo wendarama yakarohwa–rohwa

una manyerekete otutombo

tunokosha twakasiyana–siyana.

10Ainge muorivhi unoremerwa nemichero yawo,

kana kuti somusaipurasi unotunga makore kureba.

11Paainge apfeka gemenzi rake ramandiriri

uye anyatsozvipfekedza zvishongo zvake zvakaruramisisa,

oenda kuatari inoera,

pamberi pose peatari paibva

pava panhu panoshamisa nokunaka.

12Aiti zvino kana vapristi vomugamuchidza

zvikamu zvezvinoda kupirwa,

iye amire pamberi pechoto cheatari

akakombwa navamwe vake,

aiita somusidhari muduku wokuRebhanoni,

ivo vachiita sehunde dzemirara dzakamukomba.

13Vanawo vose vokwaAroni vainge vakapfeka zvinoyevedza kwazvo

mumaoko vaine zvinoda kupirwa kuna Mwari,

vari pamberi pegungano rose raIsiraeri.

14Iye Simoni paainge apedza kupira miteuro padziatari,

achitevera nhevedzano yemipiro

yaipirwa kuna Wokumusorosoro,

Samasimbaose.

15Aizotambanudza ruoko, otora mukombe,

womuteuro wewaini yaaidira munyasi meatari

ichibva yava munhuhwi unofadza Wokumusorosoro,

Mambo wazvose zvose.

16Ndipo paizobva podaidzirwa navana vaAroni,

vachiridza mabhosvo akaitwa zvokupfurwa.

Vaiita kuti kurira kwawo kunzwike zvikuru kuitira kuti

kugoyeuchidza vanhu nezvoWokumusorosoro.

17Pakarepo gungano rose ndoparaibva rati

pamwechete pasi kota kota nouso

vachinamata Tenzi,

Samasimba Mwari Wokumusorosoro.

18Vokuimba ndopavaibva vati mumhanzi

tsemu unonakidza kwazvo unokuimba kuzere.

19Vanhu, izvozvo vaizoteterera Tenzi Wokumusorosoro,

vachiisa zvichemo zvavo kuna iye weTsitsi

kudzamara vapedze kupira.

Saizvozvi vaizopedza kumushumira kwavo.

20Nezvo Simoni aibva abva kuatari achiuya kuvanhu,

otambanudzira maoko ake

kugungano rose ravana vaIsiraeri,

achivakumbirira kuti Mwari avakomborere,

achifarirawo kudoma zita raMwari.

21Vanhu vaibva vati kota kotazve nouso

kuti vakomborerwe noWokumusorosoro.

Mashoko okukurudzira

22Zvino chirumbidzai Mwari wezvinhu zvose,

anoita zvinhu zvikuru kose kose.

Ndiye akatisimudzira kubvira pakuberekwa,

achitibata namaitiro ake etsitsi.

23Dai akangotipawo rufaro mumwoyo

tive norugare mumazuva edu

muIsiraeri uye narini narini.

24Ngaarambe achitiitira tsitsi,

atinunure mumazuva edu.

Tsumo

25Kuna marudzi maviri avanhu andisingadi,

rwechitatu harusirimbori rudzi.

26Kunoti: vagari vomumakomo eSeiri, navaFirisitiya,

namatutununu avanhu anogara Shikemu.

Mazwi okupedzisira

27Chidzidziso ichi chezvoruzivo norunzwisiso

ndakachinyora ini mubhuku rino,

ini Jesu, mwana waSira,

mwana waEreazari, wokuJerusaremu,

ndichidurura ungwaru kubva

mumwoyo mangu.

28Akakomborerwa zvake anorangarira zvinhu izvi;

uyo anozvipfundira mumwoyo achava mungwaru,

29nokuti kana achiita zvinhu izvi achakwanisana nazvose,

nokuti mumwenje waMwari ndimo maanofamba namo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help