1Simoni mwana waOniasi mupristi mukuru aiva
mutungamiriri wehama dzake ndiye aidadwa naye navanhu
nokuti panguva yake ndiye akavaka Temberi
payakanga yapazwa,
nokusimbisawo nzvimbo inoeresesa.
2Iyewo ndiye akavaka ugaro hworusvingo rwakaturikidzwa
kaviri, rwakakwidziridzwa
kuvakwa kuti rutsigise chivanze cheTemberi.
3Namazuva ake iwayo kwakacherwa tsime,
rakakura senyanza kutenderera.
4Akafunga nzira dzokuti aponese nadzo vanhu vake,
kuti varege kuparadzwa.
Ndiko kusaka akasimbisa rusvingo rweguta kuitira
kuti vazvidzivirire kana vakombwa.
5Hakusi kufadza kwazvaiita kumuona
akakomberedzwa navanhu vake!
Pakubuda kwaaiita achibva nokuseri
kwechidzikatiro chomuTemberi
6ainge hweva iri mukati memakore,
kana kuti mwedzi wejenaguru.
7Ainge zuva rinopenya pamusoro peTemberi yoWokumusorosoro
kana kuti somuraraungu wakanangana namakore anopenya.
8Ainge maruva amarozi panguva yepfumvudza
kana kuti ruva ramahapa pachisipiti chemvura
kana kuti muti una mashizha manyoro
kuRebhanoni pazuva romuzhizha.
9Ainge moto nerusenzi mubisiro.
Ainge mudziyo wendarama yakarohwa–rohwa
una manyerekete otutombo
tunokosha twakasiyana–siyana.
10Ainge muorivhi unoremerwa nemichero yawo,
kana kuti somusaipurasi unotunga makore kureba.
11Paainge apfeka gemenzi rake ramandiriri
uye anyatsozvipfekedza zvishongo zvake zvakaruramisisa,
oenda kuatari inoera,
pamberi pose peatari paibva
pava panhu panoshamisa nokunaka.
12Aiti zvino kana vapristi vomugamuchidza
zvikamu zvezvinoda kupirwa,
iye amire pamberi pechoto cheatari
akakombwa navamwe vake,
aiita somusidhari muduku wokuRebhanoni,
ivo vachiita sehunde dzemirara dzakamukomba.
13Vanawo vose vokwaAroni vainge vakapfeka zvinoyevedza kwazvo
mumaoko vaine zvinoda kupirwa kuna Mwari,
vari pamberi pegungano rose raIsiraeri.
14Iye Simoni paainge apedza kupira miteuro padziatari,
achitevera nhevedzano yemipiro
yaipirwa kuna Wokumusorosoro,
Samasimbaose.
15Aizotambanudza ruoko, otora mukombe,
womuteuro wewaini yaaidira munyasi meatari
ichibva yava munhuhwi unofadza Wokumusorosoro,
Mambo wazvose zvose.
16Ndipo paizobva podaidzirwa navana vaAroni,
vachiridza mabhosvo akaitwa zvokupfurwa.
Vaiita kuti kurira kwawo kunzwike zvikuru kuitira kuti
kugoyeuchidza vanhu nezvoWokumusorosoro.
17Pakarepo gungano rose ndoparaibva rati
pamwechete pasi kota kota nouso
vachinamata Tenzi,
Samasimba Mwari Wokumusorosoro.
18Vokuimba ndopavaibva vati mumhanzi
tsemu unonakidza kwazvo unokuimba kuzere.
19Vanhu, izvozvo vaizoteterera Tenzi Wokumusorosoro,
vachiisa zvichemo zvavo kuna iye weTsitsi
kudzamara vapedze kupira.
Saizvozvi vaizopedza kumushumira kwavo.
20Nezvo Simoni aibva abva kuatari achiuya kuvanhu,
otambanudzira maoko ake
kugungano rose ravana vaIsiraeri,
achivakumbirira kuti Mwari avakomborere,
achifarirawo kudoma zita raMwari.
21Vanhu vaibva vati kota kotazve nouso
kuti vakomborerwe noWokumusorosoro.
Mashoko okukurudzira22Zvino chirumbidzai Mwari wezvinhu zvose,
anoita zvinhu zvikuru kose kose.
Ndiye akatisimudzira kubvira pakuberekwa,
achitibata namaitiro ake etsitsi.
23Dai akangotipawo rufaro mumwoyo
tive norugare mumazuva edu
muIsiraeri uye narini narini.
24Ngaarambe achitiitira tsitsi,
atinunure mumazuva edu.
Tsumo25Kuna marudzi maviri avanhu andisingadi,
rwechitatu harusirimbori rudzi.
26Kunoti: vagari vomumakomo eSeiri, navaFirisitiya,
namatutununu avanhu anogara Shikemu.
Mazwi okupedzisira27Chidzidziso ichi chezvoruzivo norunzwisiso
ndakachinyora ini mubhuku rino,
ini Jesu, mwana waSira,
mwana waEreazari, wokuJerusaremu,
ndichidurura ungwaru kubva
mumwoyo mangu.
28Akakomborerwa zvake anorangarira zvinhu izvi;
uyo anozvipfundira mumwoyo achava mungwaru,
29nokuti kana achiita zvinhu izvi achakwanisana nazvose,
nokuti mumwenje waMwari ndimo maanofamba namo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.