Ezekieri 26 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chiporofita chakanangana neguta reTire

1Mugore regumi nechiposhi, pazuva rokutanga romwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti:

2“Iwe mwanakomana womunhu,

guta reTire zvarakati nezveJerusaremu,

‘Hero Suo Guru revechirudzi

rapazika, razarukireni regai ndichizvigutsa hangu

sezvo raparadzwa kudai,’

3naizvozvo Tenzi Mwari ati

chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire.

Ndichakuunzira marudzi akawanda

kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro.

4Vachaparadza tsvingo dzeTire

vachiriga pasi nharirire dzaro.

Ndichaparadza kubvisa ivhu raro mariri

ndichiita kuti rive ruware zvarwo.

5Tire richava mukati chaimo megungwa

richiva nzvimbo zvayo yokuyanikira usvasvi.

Ndinodaro nokuti ndini ndataura

ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Uye richava sechinhu chokupamba kumarudzi.

6“Vanasikana varo vari panyika huru

vacharakatika kuurayiwa nebakatwa

ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.

7“Zvavepo ndezvokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndichaita kuti Tire ivingwe nomumwe wokuchamhembe, Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, ndimambo wamadzimambo, iyeyo aina mabhiza nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nehondo yavarwi vazhinji.

8“Iye achauraya

nebakatwa vanasikana vako

vari munyika yomukati.

Achakuisira rusvingo rwokukurwisa narwo

agokuvakirira nevhu

chinenge musana wenzou kurusvingo

agokusumudzira denga zvaro renhoo.

9Achanangisa kwauri iwe

kuriridza kwezvombo zvake zvehondo

zvinenge hondohwe zvokudhugumurisa

tsvingo dzako iwe.

Namatemo ake achapaza nharirire dzako.

10Mabhiza ake achange akawanda zvokuti

huruva yawo ichakuputira.

Tsvingo dzako dzichazunguzika

pamusana poruzha rwavamabhiza

nengorowo zvadzo nengoro dzehondo dzamabhiza,

paachapinda pamisuo mikuru yenyu

somunhu anopinda muguta rapazwa rusvingo.

11Nematsiko amabhiza ake

achatsokodzera migwagwa yenyu yose

achauraya vanhu vako nebakatwa

Misimboti yako yakasimba iyoyo

ichati pasi gwajata.

12Vachapamba upfumi hwako.

Vachakubvutira zvamunoshava nazvo upfumi

vachapaza tsvingo dzako

vachiwondomorera pasi

mizinda yenyu yedzimba,

matombo ako nemiti yako

zvichanzi mukati memvura bvuva bvuva.

13Ndichagumisa mimhanzi wenziyo dzako

kurira kwezvipendani zvako hakuchazombonzwikazve.

14Ndichakuita kuti

uve ruware rusina chinhu.

Uchava nzvimbo zvayo yokuyanikira mimbure

hauchazombofa wakavakwazve

nokuti ndini Tenzi ndataura.”

Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.

15Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu?

16Ipapo machinda okugungwa ose achabva pazvigaro zvawo zvouchangamire vagokatanura majasi avo vagobvisa magemenzi avo akarukirirwa. Vachaputirwa nokudedera, vachagara pasi vachiramba vachingodedera vadumbirwa nezvako.

17Vachakuimbira ngondo vachikuti:

“Kubva watonyangarika kudai mumakungwa

iwe guta rembiri,

waimbova nesimba guru nezvokugungwa

iwe navagari vako waivhundutsa

nyika dzose dzomukati.

18Zvino zvitsuwa zvodedera

pazuva rokuputsika kwako.

Heeka, zvitsuwa zviri kugungwa

zvakangaidzika nomupfuuriro wako.”

19Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse.

20Naizvozvo ndichakukanda pasi pamwechete navanoenda mugomba; kuvanhu vakare. Ndichati ugare munzvimbo yapasi pasi penyika, munzvimbo yamatongo akare-kare pamwechete navanodzika mugomba zvokuti hapana achaita musha mauri kana kuwanawo nenzvimbo mukati menyika yavapenyu.

21Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help