Mika 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: ISIRAERI INOPINZWAZVE MUDAREDare raTenzi navanhu vake

1Chinzwai zviri kutaura Tenzi.

Imimi Mwari simukai

mutaure mhosva yenyu pamberi pamakomo,

zvikomowo zvinzwe izwi renyu.

2Teererai, imi makomo,

nhuna dzaTenzi

nemi ugaro hwenyika hwokugara nokugara

nokuti Tenzi ane nhuna navanhu vake

nezvo achaita dare neIsiraeri.

3“Nhai vanhu vangu,

chii chandakakuitirai chaizvo?

Ndakakunetsai neiko?

Ndipindurei!

4Nokuti ini

ndakakuburitsaika munyika yeIjipiti,

ndikakununurai mumba youranda.

Ndakakutumirai

Mosesi naAroni naMiriamu

kuzokutungamirirai.

5Vanhu vangu,

rangarirai zviya zvakanga zvarongwa

naBharuki mambo weMoabhu

nemhinduro iya yaakapiwa

naBhiriamu mwanakomana waBheori.

Rangarirai zviya zvakaitika

kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari

kuitira kuti muzive

mabasa akarurama aTenzi.”

Zvinodiwa naTenzi kuti munhu aite

6Ndouya neiko chaizvo

kuna Tenzi ndichizopfugamira

iye Mwari wokumusoro?

Ndouya here kwaari

ndiine mipiro yokupisa

yemhuru dzegore rimwechete?

7Ko iye Tenzi angafadzwe here

nezviuru nezviuru zvehondohwe

kana kuti gumi rezviuru

zvehova dzamafuta?

Ndopirira here kukanganisa kwangu

dangwe rangu romukomana,

ura hwangu ndichihupirira

chitadzo changu ini?

8Inga wakaudzwa wani, nhai munhu

kuti zvakanaka ndezvipi;

uye kuti Tenzi anoda kuti uitei,

zvaanoda dzezvizvi zvokuti:

uite zvine ruenzaniso,

uye zvomwoyochena zvikupinde muropa

nokufambawo naMwari wako wakazvirereka.

Chirango chevanobiridzira

9Izwi raTenzi rinodaidzira

kuguta rino,

zvino ungwaru chaihwo

zvokutya zita renyu,

“Chinzwai, imi dzinza negungano

romuguta muno.

10Ndingakanganwe here,

zviereso zvokubiridzira

nezvikero zvisiri pamwero

zviri mudzimba dzavakaipa?

Zvisingambodiwa zvazvo naMwari.

11Ndoti haana mhosva here

munhu ane zvikero zvokubiridzira nazvo

nesaga rizere nezvokueresa zvinobiridzira?

12Vapfumi veguta rino vane utsinye

vagari vemo varevi venhema

zvinobva pamuromo pavo

ndezvounyengedzi.

13Ndokusaka iniwo

ndava kukurwadzisai nokukurovai

ndichikuita dongo reguta

pamusana pezvitadzo zvenyu.

14Imi muchadya

asi kuguta musingaguti,

muchabata paura nenzara.

Muchapfundiridza zvinhu

asi zvisingachengeteki.

Zvamunenge makwanisa kuchengetedza

ndichazviparadzisa nehondo yebakatwa.

15Kudyara muchadyara zvenyu

asi pasina chamunokohwa.

Kusvina maorivhi muchasvina zvenyu

asi mafuta acho hamuazori.

Magirepisi muchasvina zvenyu

asi waini yacho, hamuinwi.

16Makachengeta imi

mirao yamambo Omuri

namaitiro ose evemba yamambo Ahabhu

uye makatevedza imi tsika dzavo.

Ndokusaka ini ndave kuita guta rino dongo

uye vagari varo ndichivaita chiseko,

saka nhamo yavanhu vangu yokusekwa

ndiro richaberekana nayo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help