1Soromoni akati,
“Tenzi, akazvisarudzira zvake
kugara makati kwirindindi.
2Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba
ino chaiyo ino mukurumbira
musha wokuti mugare zvenyu
imi nokusingaperi.”
3Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri, iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira.
4Akati,
“Ngaarumbidzwe Tenzi,
Mwari weIsiraeri, akadai
kuzadzikisa zvaakatsidzira
baba vangu Dhavhidhi achiti,
5‘Kubvira pandakaburitsa
vanhu vangu munyika yeIjipiti,
handina kusarudza guta
mumadzinza ose eIsiraeri
mokuti ndivakire imba
inodaidzwa nezita rangu
uye handina munhu
wandakasarudza kuti ave
mutongi wavanhu vangu vaIsiraeri.
6Asi kuti ndakasarudza
Jerusaremu kuti zita rangu
riiswepo uye ndikasarudza
Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’
7Baba vangu Dhavhidhi
vakanga ainazvo mumwoyo zvokuvaka
imba inodaidzwa nezita raTenzi,
Mwari wevaIsiraeri.
8Asi Tenzi akati kuna
baba vangu Dhavhidhi,
‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa
yokundivakira imba yokuisa
zita rangu changa chiri chinhu chakanaka.
9Chiripo chete ndechokuti,
iwe hausiriwe wokundivakira
imba yacho asi mwana wako
mukomana wauchabereka.’
10Zvino Tenzi akazadzikisa
chitsidzo chaakatsidza,
kukazomuka ini panzvimbo
yababa vangu Dhavhidhi,
hezvi ndigere pachigaro choumambo
hwokwaIsiraeri sokutsidza kwaakaita
Tenzi ndikazovakawo imba iyi,
yokuisa zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri.
11Ndimo mandati mugare
bhokisi rechitenderano riine
chitenderano chaTenzi
chaakaita navanhu veIsiraeri.”
Munamato wamambo Soromoni(1 Madzi 8:22–53)12Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo, akasimudza maoko ake.
13Soromoni akanga agadzira nendarira chimwe chokumira pachiri chaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri kureba, upamhi hwacho huchiitawo mamita maviri namasendimita makumi maviri, kukwira kwacho mudenga chichiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu akachiisa mukati menhandare, akamira pamusoro pacho. Akapfugama namabvi pamberi pegungano rose reIsiraeri akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti,
14“Imi Tenzi,
Mwari wevaIsiraeri,
hakuna Mwari akaita semi,
kumusoro kudenga kana panyika pasi pano
anochengeta chitenderano
achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba
vakatendeseka kwaari nomwoyo wose,
15semi makachengeta zvamakataurira
muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi.
Makataura imi nomuromo wenyu, noruoko rwenyu
mukazvizadzikisa sezvazviri nhasi uno.
16Zvino Tenzi,
Mwari wevaIsiraeri chengetedzai waro
zvamakatsidzira zvenyu
baba vangu Dhavhidhi,
zvamakavataurira muchiti,
hazvichafa zvakamboitika kuti
ini ndishaye munhu womumba mako
wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri.
Ndokungewo vana vako
vachenjerera mafambiro avo vachitevedza
mutemo wangu sokufamba mberi
kwangu kwawakaitawo iwe.
17Saka zvino imi Tenzi,
Mwari wevaIsiraeri shoko renyu
ramakatsidzira muranda wenyu
Dhavhidhi ngarichiitika.
18Chaizvo chaizvo,
Mwari angaite panyika kuti pave musha wake here!
Inga wani matenga kana iro denga
rokumatengatenga haakwane kuti
ave musha wake.
Ko, kutozotiwo imba iyi
yakavakwawo neniwo zvangu!
19Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi,
Mwari wangu rerekerai nzeve
dzenyu kumunamato wangu ini
muranda wenyu nokuchichemo changu,
munzwewo chichemo nomunamato
wandiri kuita kwamuri
20kuti ziso renyu rirambe riri pamba
iyoyi siku nesikati panzvimbo
iyi yamakavimbisa kuzoisa zita renyu,
kuitira kuti mugozonzwawo
munamato wangu ini muranda wenyu
wandava kuitira nzvimbo ino.
21Inzwaiwo chichemo ichi
changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri,
pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino.
Vanzwei muri kudenga kwamunogara,
pamunenge manzwa muvaregererewo.
22“Kana munhu akatadzira mumwe wake,
akange anzi apike mhiko, akauya
akasvikopika mhiko yake
pamberi peatari yenyu mumba muno,
23pakadaro imi teererai muri kudenga
uku muwane chamungaite nazvo,
muteme zvinowirirana nemhosva yacho,
Ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake,
anengewo asina mhosva mudure pachena
kuti haana mhosva
maererano nokururamawo kwake.
24“Kana vanhu venyu vaIsiraeri
vakakundwa navavengi pamusana
pokuti vakakutadzirai,
vakange vadzokerazve kwamuri,
vokuyeukai zvino nezita, vakanamata vachiisa
zvichemo zvavo kwamuri mumba muno,
25vanzwei kudenga ikoko
muregererewo vanhu venyu vaIsiraeri
chitadzo ichocho,
muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo.
26“Kana denga richinge rapfigwa,
kurega kunaya mvura pamusana
pokuti vakakutadzirai,
vakanamata vakazvirereka vakaringa kuno uku
vakakuyeukai nezita,
vakakanda pasi chitadzo chavo imi manga
mambovaonesa nhamo
27vanzwei kudenga ikoko,
muregererewo muranda wenyu navanhu
venyu vaIsiraeri chitadzo chavo
muvadzidzise makwara akanaka okuti
vafambe nawo mupe mvura nyika yenyu
yamakapa vanhu venyu senhaka yavo.
28“Kana munyika ino mukaita nzara kana
kuti mukaita denda kana
zvikukuve kana chiundudzi,
kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana
kuti vavengi vavo vakavatambudza
munyika muno, muguta ravo ripi zvaro,
kunyange nyatwa ipi zvayo kana
kukava nechirwere chipi nechipi zvacho;
29vanhu venyu vose vaIsiraeri
kana kuti ani naani zvake anenge
aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo wake
kana chimwe chinomutambudza
akazotambanudza maoko akaringa kumba ino
achiita munamato upi zvawo kana
kuisa chichemo chipi nechipi zvacho
30munzwei kudenga ikoko
kunzvimbo yenyu kwamunogara,
mumuregererewo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make
mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake
(nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu)
31kuitira kuti vagare vachikutyai
vachitevedza makwara enyu misi
yose yavachagara munyika
yamakapa madzitateguru avo.
32“Pamusana pezita renyu guru
noukuru hwenyu nezvesimba renyu guru,
muitewo zvimwechetezvo nomutorwa
wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri,
mubvakure, akauya kuzonamata akaringa kumba ino,
33imi munzweiwo kudenga ikoko,
kunzvimbo yenyu kwamunogara,
muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai,
kuitira kuti marudzi ose avanhu vepanyika pano
vagoziva zita renyu,
vakutyei sezvinoita vanhu
venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti
imba ino yandakavaka inodaidzwa nezita renyu.
34“Kana vanhu venyu vakaenda
kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende,
vakanamata kwamuri vakaringawo
kuguta rino ramakasarudza uye
kumba ino yandakavakira zita renyu;
35vanzwei munamato wavo
nechichemo chavo kudenga ikoko,
muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo.
36“Kana vakaita chitadzo kwamuri
sezvo kusina munhu asingapari chitadzo,
imi mukavashatirirwa mukavaisa
mumaoko avavengi vavo kuti
vatapwe vaendwe navo kunyika
iri kure kana kuti iri pedyo
37kunyange zvazvo zvakadaro
vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari
munyika mavakavatapa macho,
vakapinduka voturira chichemo chavo
kwamuri vari munyika yavakavatapa iyoyo vachiti,
takaita chitadzo tikaita zvouipi tikapara mhosva,
38kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose,
vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo,
vari munyika yevavengi vavo,
vanyakuvatapa, vakanamata vakaringa
kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo,
kuguta ramakasarudza kumba ino
yandakavakira zita renyu;
39vanzwei munamato wavo nechichemo chavo
kudenga ikoko kunzvimbo yenyu
kwamunogara muvaitire zvavanenge
vachichema nazvo, muregererewo
vanhu venyu vanenge vakutadzirai ivavo.
40Zvino imi Mwari wangu
meso enyu ngaatarise murerekere nzeve dzenyu
kumunamato uyu wandaita pano.
41“Zvino chisimukai zvenyu Tenzi Mwari
muende mundogara munzvimbo yenyu yokuzorora,
imi nebhokisi rechitenderano rine simba renyu.
Vapristi venyu imi Tenzi Mwari
ngavafukidzwe noruponeso,
muregewo zvenyu vatsvene venyu
vafare mune zvakanaka zvenyu.
42Tenzi Mwari, dai waro
mangorega kufuratira muzodzwi wenyu,
murangarire mwoyochena wenyu
kuna Dhavhidhi muranda wenyu.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.