Nziyo 72 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaSoromoniKunamatira Mambo

1Mwari itai kuti mambo ave neruenzaniso rwenyu

uye ururami hwenyu kumwana wokumbahuru.

2Ngaatonge vanhu venyu noururami

atonge varombo venyu noruenzaniso.

3Makomo ngaave nokubudirira kwavanhu,

zvikomo zvive noururami.

4Ngaadzivirire vanhu varombo

anunure vasina chavanacho.

Aparadze vanodzvinyirira.

5Chero zuva richiri kupenya

vanhu ngavakutyei

uye chero mwedzi uchiri kuvheneka

pazvizvarwa zvose.

6Ngaave semvura

inonaya pauswa hwachekererwa

uye semvura inonaya ichidiridza pasi.

7Panguva yake, ururami ngahutekeshere

rugare rudzike midzi

kusvikira mwedzi usisipo.

8Kutonga kwake ngakubve

kune rimwe gungwa kusvika kune rimwe,

kubva kurwizi rwaYufuretesi

kusvika kwakagumira nyika.

9Vavengi vake ngavamugwadamire;

mhandu dzake dzinanzviswe pasi.

10Madzimambo okuTashishi nookuzvitsuwa

ngaatere mutero kwaari.

Madzimambo okuShebha nokuSebha

ngavauye nezvipo.

11Madzimambo ose ngaamugwadamire

marudzi ose amushandire.

12Nokuti anonunura asina chaanacho

kana achichema-chema,

murombo naasina anomubatsira.

13Anonzwira tsitsi akarukutika

naasina chaanacho

achiponesa vasina chavanacho muupenyu.

14Anovanunura upenyu mukudzvinyirirwa noutsinye

uye ropa ravo rakakosha kwaari.

15Ngaararame kwenguwa ndefu uye apiwe

ndarama yeShebha.

Ngaarambe achinamatirwa,

ngaakumbirirwe makomborero zuva rose.

16Nyika ngaive nembeswa zhinji

dziti nemisoro yamakomo neyaneya,

michero yadzo iite seyokuRebhanoni.

Maguta azare navanhu souswa hwomusango.

17Zita rake ngarigare nokusingaperi

nembiri yake ivepo

chero panenge zuva richirivhenekera.

Nokuda kwake vanhu vachatoti,

“Mwari wakomborera.”

Marudzi achamuti, “Akakomborerwa.”

18TENZI ngaarumbidzwe

Mwari waIsiraeri

ndiye oga anoita zvinoshamisa.

19Zita rake ngarirumbidzwe nokusingaperi.

Mbiri yake ngaizare pasi pose.

Ameni Ameni.

20Minamato yaDhavhidhi, mwana waJese,

inoperera pano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help