1Mushure morufu rwaAhabhu, Moabhu yakapandukira Isiraeri.
2Zvino Ahaziya akadonha pamba yake yepamusoro muSamaria napaiva namapango akarukaniswa akaitwa zvokupiyaniswa akabva arwara, nezvo akatuma nhume akadziti, “Endai mundibvunzirewo kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi ndizive kuti ndichapora here paurwere uhu.”
3Asi mutumwa waTenzi akati kuna Eriya wokuTishibhi, “Simuka ukwidze kundosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi?’
4Saka naizvozvo zvanzi naTenzi, ‘Hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava uchatofa chete.’ ” Eriya ndokuenda zvake.
5Nhume dzakadzokera kuna mambo, iye ndokuti kwadziri, “Ko madzokerei?”
6Ivo vakati kwaari, “Kwauya mumwe murume asangana nesu akatiti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mumuti,’ zvanzi naTenzi, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, unotofa chete.’ ”
7Iye akavati, “Ko anga ari murume akaita sei asangana nemi akakutaurirai izvozvi?”
8Ivo vakamupindura vachiti, “Anga akapfeka nguo dzine mvere nebhande reganda muchiuno.”
Mambo ndokuti, “NdiEriya chete wokuTishibhi.”
9Mambo akabva atuma kwaari mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwi vake vacho makumi mashanu. Akakwira kuna Eriya akanga agere pamusoro pechikomo akati kwaari, “Iwe munhu waMwari mambo ati, ‘Buruka apo.’ ”
10Asi Eriya akapindura mutungamiri uyu wechikwata chamakumi mashanu avarwi achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto ndokutozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake.
11Mambo akatumazve kwaari mumwe mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwiwo vake vacho makumi mashanu. Uyu akandomutaurira achiti, “Iwe munhu waMwari iwe, zvanzi namambo, ‘Buruka nokukurumidza.’ ”
12Asi Eriya akavapindura achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari, moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto waMwari wakatozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake.
13Mambo akatuma zvakare kwaari mumwe mutungamiriri wechitatu namakumi akewo mashanu. Mutungamiriri wechitatu uyu wechikwata chamamwewo makumi mashanu akakwira akasvikopfugama mberi kwaEriya akamuteterera achiti kwaari, “Ndapota munhu waMwari, ndiri kukumbirawo kuti mubatewo upenyu hwangu noupenyu hwavaranda venyu ava makumi mashanu sechinhu chine maturo kwamuri.
14Hezvi moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa vatungamiriri vaye vaviri vezvikwata zvavarwi zvaiva makumi mashanu makumi mashanu pamwechete navanhu vavo, zvino ingobataiwo waro upenyu hwangu sechinhu china maturo kwamuri.”
15Mutumwa waTenzi ndokubva ati kuna Eriya, “Dzika zvako naye, usamutye.” Saizvozvo akasimuka akadzika naye kuna mambo
16akati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Wakatumaka iwe nhume kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi, zvinoreva here kuti muIsiraeri muno hamusisina Mwari wokunzwa kuti anoti kudii nazvo? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, uchatopafa chete.’ ”
17Saizvozvo akafa sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya, munun'una wake Jehoramu ndiye akava mambo panzvimbo pake sezvo Ahaziya uyu akanga asina mwana mukomana. Izvozvo makanga muri mugore rechipiri rokutongawo kwaJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha.
18Inga dzimwe nyaya dzezvaAhaziya dzezvaakaita dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo raMadzimambo okwaIsiraeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.