Zvakaratidzwa 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1“Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi

“Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari

uye ane nyenyedzi nomwe uti:

‘Ndinoziva mabasa ako,

une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa.

2Muka usimbaradze zvasara

uye zvava pedyo nokufa.

Nokuti mabasa ako

handina kuaona akakwana

pamberi paMwari wangu.

3Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa.

Chengeta izvozvo utendeuke.

Kana usina kumuka ndichauya sembavha

uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi.

4Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi

avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo,

vachafamba pamwechete neni

vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera.

5Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena

uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi.

Pamberi pababa vangu

napamberi pavatumwa vake,

ndichapupurira zita rake kuti ndowedu.

6Ane nzeve ngaanzwe

zviri kurehwa naMweya kumasangano.’

Tsamba yokusangano rokuFiradhefia

7“Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia.

Herino shoko reanoera wechokwadi

ane kii yaDhavhidhi

anoti akazarura hapana anogona kuzarira

wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura.

8Ndinoziva mabasa ako,

tarira uone ndaisa pamberi pako

mukova wakazaruka usina anogona kuzarira.

Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana

asi wakachengeta shoko rangu

ukasaramba zita rangu.

9Vesangano raSatani,

vanozviti vaJudha asi ivo vasiri,

vachireva nhema;

ndichaita kuti vauye

vachizokugwadamira patsoka dzako

vadzidze kuti ndakakuda,

10nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira,

ndichakuchengeta panguva yokuedzwa

iri kuuya pasi pose

kuzoedza vose vagere panyika.

11Ndiri kuuya nokukurumidza.

Batisisai zvamuinazvo

kuti parege kuva nomunhu

anokubvutirai chiremba chenyu.

12Anokunda ndichamuita

musimboti muTemberi yaMwari wangu.

Haachazobvamo.

Ndichanyora paari zita raMwari wangu

uye zita reguta raMwari wangu,

Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga,

uyewo zita rangu idzva.

13Ane nzeve ngaanzwe

zviri kurehwa naMweya kumasangano.

Tsamba yokusangano rokuRaodhekia

14“Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni,

“ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi,

iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’

15“Ndinoziva mabasa ako,

hautonhori kana kupisa,

dai waitotonhora zvako kana kupisa.

16Asi nokuda kokuti uno rudziirakure

usingatonhori kana kupisa

ndichakusvipa mukanwa mangu.

17Nokutika unoti ndiri mupfumi,

ndakapfuma, handina chandinoda

iwe usingazivi kuti uri rombe

rinotonzwisa tsitsi, uri murombo,

uri bofu uye hauna kupfeka.

18Saizvozvo ndinokubaira zanhi

rokuti utenge kwandiri ndarama

yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi

nehanzu chena dzokuti upfeke

kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako

namafuta okuzora maziso ako kuti uone.

19Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga.

Naizvozvo ita shungu utendeuke.

20Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza,

kana munhu akanzwa izwi rangu

akazarura musuo ndichapinda maari

ndigodya naye iye achidya neni.

21Anokunda ndichamuti

agare neni pachigaro changu choumambo

sokukundawo kwandakaita ini pachangu

ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.

22Ane nzeve ngaanzwe

zvinorehwa naMweya kumasangano.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help