1Jonatani paakaona zvino kuti yava nguva yakamunakira, akasarudza vamwe varume akavatumira kuRoma kundosimbisa nokumutsurudza ushamwari navo.
2Akatumirawo matsamba eshoko rimwechetero kune vokuSipata nokune dzimwe nzvimbowo.
3Saizvozvo vakaenda kuRoma vakandopinda mudare ramakurukota vakapira nyaya vachiti, “Mupristi mukuru Jonatani neverudzi rwavaJudha vakatituma kuzomutsurudza ushamwari nokuwirirana nemi.”
4VaRoma vakabva vavapa matsamba okuendesa kwose kwose kuvanhu veko, okuvakumbira kuti vaone kuti nhumwa idzodzi idzi dzafamba zvakanaka kudzokera kunyika yokwaJudha.
5Iyi ndiyo tsamba yakanyorerwa vokuSipata naJonatani yaiti,
6“Ini mupristi mukuru Jonatani, nevedare ramakurukota enyika ino navapristi navamwe vose verudzi rwavaJudha ndinokunyorerai imi hama dzedu, vanhu vokuSipata tichikukwazisai.
7Kwambotumirwa tsamba kumupristi mukuru Oniasi ichibva kuna Dhariusi iye akanga ari mambo pakati penyu achiti imi muri hama dzedu sezvirikutaurwa netsamba yakanamatidzwa pairi iyo.
8“Oniasi akagamuchira nhumwa dziya noruremekedzo, akagamuchirawo tsamba yakanga ine shoko rainyatsotaura pachena nezvokuwirirana nezvoushamwari.
9Naizvozvo kunyange zvazvo isu tisina zvedu basa nezvinhu izvozvi sezvo tina mabhuku anoera anotikurudzira atinawo mumaoko edu,
10isu tazvipa basa rokukutumirai shoko rokumutsurudza ukama hwedu noushamwari hwedu nemi kuitira kuti tirege kuva takamukana nemi. Ndinodaro nokuti kwatopera nguva yakati kuti imi matumira tsamba yenyu kwatiri.
11Naizvozvo isu tinogara tichikuyeukai nguva dzose, nomumazuva makuru edu ose, nomuna mamwewo mazuva akakodzera napazvibayiro zvatinopira nomuminamato yedu sezvachiri chinhu chakanaka chokuyeukana nehama.
12Uyezve tinofarira mukurumbira wenyu.
13Kana tirisu, nhamo zhinji nehondo zhinji dzakatikomba, madzimambo omunharaunda yedu achitirwisa.
14Hatina kuda zvedu kukunetsai nehondo idzodzo imi kana vamwe vanotsigirana nesu kana shamwari dzedu
15nokuti kana zviri zvokubatsirwa, rubatsiro rwedu chairwo runobva kuna Nyadenga. Nezvo takanunurwa kuvavengi vedu, uye vavengi vedu vakadukupiswa.
16Nokudaro takazosarudza Numeniusi mwanakomana waAndiokusi uye Andipeta mwanakomana waJasoni, tivatumire kuguta reRoma kundomutsurudza ushamwari hwedu huya nomubatirapamwe.
17Takavatiwo vasvike kwamuri kuzokukwazisai nokusvitsa kwamuri tsamba iyi yabva kwatiri yokumutsurudza ukama hwedu.
18Saka zvino tipeiwo mhinduro yayo.”
19Iyi ndiyo Tsamba yemhinduro yavakatumira kuna Oniasi,
20“Ini Dhariusi mambo wevokuSipata ndinonyorera imi mupristi mukuru VaOniasi ndichikukwazisai.
21Zvakawanika zvakatonyorwa nezvavanhu vokuSipata navaJudha kuti ihama nehama vari vemhuri yokwaAbhurahamu.
22Sezvatazviziva kudai, tinyorereiwo muchitizivisawo kuti makadii ikoko.
23Kana tirisu, tiri kukunyorerai tichiti mombe dzedu nezvinhu zvedu ndezvenyu, zvenyuwo ndezvedu. Saka naizvozvo tiri kutotema kuti nhume dzedu dzisvitse shoko irori saizvozvi.”
Kukurirwa kwehondo yaDhemetiriusi24Zvino Jonatani akanzwa kuti vatungamiriri vehondo yaDhemetiriusi vakanga vadzoka nehondo huru kupinda yavaiva nayo pakutanga kuzomurwisa.
25Saka akabva muJerusaremu akaenda akachingudzana navo vachiri kuruwa rweHamati nokuti haana kuda kumbovapa mukana wokuti vambopinda zvavo munyika make vachimurwisa.
26Akatuma vasori kumusasa wavo wamatendhe. Vakadzoka vakasvikomupira kuti vakanga vatorongana kuti varwise Isiraeri nousiku.
27Nokudaro zuva parakadoka, Jonatani akaudza vanhu vake kuti vasunge dzisimbe vagare vakapakata zvombo zvavo, vakagadzirira hondo usiku hwose. Akabva aisa nharirire dzokutarisa nharaunda yose yomusasa wematendhe uyu.
28Vavengi pavakanzwa kuti Jonatani navarwi vake vakanga vatogadzirira zvokurwa, vakahuta nokutya, nezvo vakavesa zvoto zvemoto pamusasa pavo ipapo vakabva vabvapo.
29Asi Jonatani navanhu vake haana kuzviziva kusvikira mangwanani nokuti vaiona moto uchibvira.
30Jonatani akavaronda asi haana kuvabata nokuti vakanga vayambuka rwizi rwaEreuterusi.
31Jonatani ndokupishinukira kuvaArabhu vanonziwo vaZadhadhea akavaparadza akapamba zvinhu zvavo.
32Akaparadza musasa iwoyo akaenda kuDhamasikosi akapfuura nomudunhu iroro rose.
33Simoni akaendawo mberi akapinda nomunyika iyoyo kudzamara asvike kuAshikeroni nokunharire dzimwe dzokuzvidzivirira muhondo dzepedyo neko. Akatsaukira kuguta reJopa akarifuta.
Kubatwa kwaJonatani34Chaakadariro ndechokuti iye akanga anzwa kuti vaida kutopa zvavo nharire yokuzvidzivirira nayo muhondo iyoyi kuvarwi vakanga vatumwa naDhemetiriusi. Akaisamo chikwata chavarwi vokurichengetedza.
35Jonatani paakadzoka akaunganidza vakuru vakuru vavanhu akaronga navo kuvaka nharire dzokuzvidzivirira nadzo muhondo muJudhia
36kuti masvingo eJerusaremu arebeswe kuenda mudenga uye kuti pavakwe chidziro chokudzivirira pakati penhare yokuzvidzivirira muhondo neguta kuti nhare yacho neguta zviparadzaniswe igova payo yoga kuitira kuti vatadze kutenga kana kutengesa.
37Sokudaro vakaungana pamwechete kuzovaka guta iri, uye akagadziridza chimbimbi chainzi Kafenata.
38Simoni akavaka guta reAdhidha munyika yokumanhika yeShefera. Akarivakirira norusvingo akaisa misuo mikuru nezvihuri.
39Tirifo akavavarira kuti ave mambo weAsia agopfekawo chiremba choumambo, uye kuti iye nesimbawo rake amukire mambo Andiokusi.
40Aitya kuti zvimwe Jonatani haangamubvumire kuita saizvozvo, asi kutoti angatomurwisa. Nokudaro Tirifo akaramba achimuvhima kuti amubate amuuraye. Akafamba akasvika kuBhetishani.
41Jonatani akaenda akandosangana naye aina makumi mana ezviuru zvavarwi vehondo vakanyatsosarudzwa. Vakaenda kuBhetishani.
42Tirifo paakaona kuti auya negurusvusvu revarwi akatya kumirisana naye.
43Nezvo akamugamuchira noruremekedzo akataurira vamwe vake vose kuti Jonatani munhu kwaye, akamupawo zvipo akati vamwe vake ivavo nezvikwata zvake zvavarwi vamuteerere sezvavanongoitawo kwaari mbune.
44Akazoti kuna Jonatani, “Ko manetsereiko vanhu vose ava, isu tisiri kurwisana?
45Itii vaende zvavo kumisha yavo mungozvisarudzira varume vashoma vamunosara navo uye tiende tose kuToremaisi. Ini ndichariisa zvangu mumaoko menyu pamwechete nedzimwe nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo nezvikwata zvavarwi vehondo zvichiriko navakuru vakuru vacho vose ndigobva ndatendeuka zvangu kuenda kumusha ndokusaka ndiri kuno.”
46Jonatani akavimba naye akaita sezvaakanga audzwa, akaendesa zvikwata zvavarwi. Varwi ava vakabva vadzokera zvavo kunyika yokwaJudha.
47Akasara aine zviuru zvitatu zvavarwi, akasiya zviuru zviviri zvacho muGarirea akabva aperekedzwa nechuru chimwechete.
48Asi Jonatani paakapinda muguta reToremaisi, varwi veToremaisi vakabva vazarira misuo mikuru yacho vakabata Jonatani navarwi vose vakanga vapinda naye, vakauraya varwi vacho ivavo namapakatwa.
49Tirifo akazotumira zvikwata zvevarwi vemabhiza kuGarirea nokubani guru kundoparadza zvikwata zvose zvavarwi vaJonatani.
50Asi vakazviziva kuti uku Jonatani akanga abatwa akaparadzwa pamwechete navarwi vake vakabva vakurudzirana vakaramba vachifamba vakarundana vakagadzirira kurwisa.
51Vaivaronda pavakaona kuti vanhu ava vachazvirwira upenyu hwavo, vakabva vadzokera.
52Nezvo vakazosvika zvakanaka kunyika yokwaJudha. Vakachema Jonatani navamwe vake vakazara nokutya, Isiraeri yose ikaungudza kwazvo kumuchema.
53Vanhu vose vechirudzi vakanga vari munharaunda mavo vakavavarira kuparadza vaIsiraeri sezvo vakanga voti, “Vanhu ava havasisina mutungamiriri kana muyamuri. Naizvozvo chiuyai tirwe hondo navo tivatsakatise varege kuzomboyeukwa pakati pavanhu.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.