Tobhiti 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

X: KURAPWA UPOFU KWATOBHITI

1Pavakanga vave padyo nokuKaserini pakatarisana neNinivhe

2Rafaeri akati, “Unozivawo nhamo yatakasiya ina baba vako.

3Regai tichifanotungamira tindofanogadzira mumba iyesu, mudzimai wako atevere zvake pamwechete navamwe.”

4Vakatungamira vose vari vaviri imbwa ichivatevera mushure. (Izvozvo Rafaeri akayeuchidza Tobhiya kuti atore nduru iya aende nayo).

5Ana akanga agere akatarisa kunzira kwaizouya nomwana wake.

6Akabva aziva kuti ndiye chete akati kuna baba vake, “Hoyo mwana wenyu wauya! Ane mumwe wake uya!”

7Vasati vasvika kuna baba vake, Rafaeri akati kuna Tobhiya, “Ndinokutsidzira kuti maziso ababa vako achazaruka.

8Unofanira kuisa nduru yehove iya mumaziso avo, mushonga iwoyu uchati rwadzei ugofefenura kakanda katetetete mumaziso avo. Baba vako vachabva vagonawo kuona votarisawo chiedza.”

9Amai ava vakamumhanyira vakasvikoti maoko nechomuhuro memwana wavo mbundee vakati, “Zvino kufa ndingachifa zvangu. Ndazokuonazve.” Vakasvimha misodzi.

10Tobhiti akati kwanyanu kumira ndokugugurika odimura nomuruvanze nokumusuo kuya. Tobhiya akauya akananga kwavari.

11(Izvozvo muruoko akanga akabata nduru iya yehove). Akafuridzira mumaziso ake ndokumudzikamisa mwoyo achiti, “Tsungai mwoyo baba!” Nokudaro akavaisa mushonga ndokumbousiya wakadaro kwekanguva.

12Akazofefenura kakanda katetetete namaoko ake maviri achikabvisa parutivi mumaziso ake.

13Baba vakamuti nomuhuro mbundee

14vakasvimha misodzi. Vakadaidzira voti, “Ndava kuona mwanangu ndiwe chiedza chemaziso angu! Vakati,

“ ‘Mwari ngaarumbidzwe!

Ngarirumbidzwe, zita rake rino mukurumbira!

Ngavarumbidzwe vatumwa vake vanoera!

Ngarirumbidzwe zita rake nokusingaperi

15nokuti akanditumhisa neshamhu

zvino azondiitira tsiye nyoro,

mwana wangu Tobhiya ndava kutoonawo.’ ”

Tobhiya akandopinda mumba achirumbidza Mwari nezwi guru achifara. Akazorondedzera baba vake zvose zvokubudirira kwerwendo rwake nokudzoka kwaakaita nemari iya nokuroora kwaakaita Sara mwana waRagueri uye kuti Sara aitova mushure kutevera ari padyo padyo uye kuti akanga asiri kure nemisuo mikuru yeNinivhe.

16Tobhiti akasimuka akananga kumisuo mikuru yeNinivhe kundochingura muroora wake achirumbidza Mwari. Vanhu vomuNinivhe pavakaona achifamba kudaro asina wokumutungamirira achikara nhanho aachitozvigwinha sakare; vakashamiswa kwazvo.

17Tobhiti akavatsanangurira kunzwirwa tsitsi kwaakaitwa naMwari akamuzarurira meso ake akaonana naSara, mukadzi womwana wake Tobhiti. Akamukwazisa namazwi aya achiti,

“Mauya mwanangu mauya!

Mwari wenyu ngaarumbidzwe

pamusana pokukutumirai kwatiri mwanangu!

Dai baba venyu vangokomborerwa

akomborerwewo mwanangu Tobhiya

newewo mwanangu dai wangokomborerwawo.

Mauya mauya kumusha wenyu chaiwo

murufaro nomumakomborero!

Pindai zvenyu mwanangu!”

18Tobhiti akabva aitira vaJudha vose vomuNinivhe mabiko zuva iroro,

19vana vake vokumukoma vanaAhikari naNadhabhu vakauya kuzofarawo naTobhiti.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help