Isaya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku raIsaya rina zvikamu zvikuru zvitatu. Kunyange zvazvo bhuku iri rakatumidzwa nezita rokuti Isaya, bhuku iri rinoratidza kuti rine vanyori vatatu. Asi munyori mukuru ana mafungiro ari kuedza kusvitswa kuvanhu, ndiIsaya.Chidimbu chokutanga (1–39) chinotaura chakanangana navaJudha. Imomo vanotaurirwa kuti chinetso chikuru chavo haisi nhamo yeAsiria asi zvitadzo zvavo nokunamata kwavo kusina maturo uye kusateerera. Izvozvo, Isaya aivatsidzira kuti kuchauya runyararo rwapasi pose.Chidimbu chechipiri (40–55) chakanyorwa vaIsiraeri pavakanga vari muutapwa kuBhabhironi makore anenge mazana maviri. Chidimbu chokutanga chakanga chatonyorwa kare. Chakanyorerwa kunyaradza vaIsiraeri vakanga vava kurasa mwoyo, vasisina chitarisiro chokudzokera kunyika yavo yeIsiraeri. Chinoratidzazve kuti Mwari ane purani yake yokununura vanhu vapasi pose tarisa (Vaefeso 1:10).Chidimbu chechitatu (56–66) chinoratidzazve kuti munyori akanga ava kunyorera vaIsiraeri vakanga vadzoka kuutapwa vava munyika mavo muJerusaremu. Vanhu vaida kusimbiswa mukuvimba kwavo naMwari kuti achengete chivimbiso chake choruponeso rwavanhu vose (tarisa 61:1–2; Ruka 4:18–19).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raIsayaMwari anoyambira vaIsiraeri achivapawo chitsidzo (1:1—12:6)Yambiro yakapiwa kumarudzi (13:1—23:18)Kutonga kwaMwari kwapasi pose (24:1—27:13)Mazwi akataurwa kuna Isiraeri naJudha (28:1—35:10)Yambiro dzimwe nezvitsidzo zvimwe (36:1—39:8)Shoko rechitsidzo chaMwari nechitarisiro (40:1—55:13)Yambiro uye zvitsidzo (56:1—66:24)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help