Judhisi 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

V: KUKURIRA KWAKAZOITA VAISIRAERIKurwisa vaAsiria kwakaita vaIsiraeri

1Judhisi akati kwavari, “Ndinzweiwo hama dzangu! Torai musoro uyu mundoubairira kumadziro pamusoro porusvingo rwenyu.

2Kana kwaedza zuva rabuda, murume wose ane simba ngaapakate zvombo zvake zvehondo abude kunze kweguta. Muise mumwe somutungamiriri wavo muite somodzika kugan'a kundorwisa vaAsiria vari kugaririrako, chete kuburuka musaburuke.

3Ivo vachapakata zvombo zvavo zvehondo vopinda mumusasa wamatendhe kundomutsa machinda ehondo yeAsiria. Vachamhanyira mutendhe raHorofenesi vagomushaya, ndopavachabatwa nokutya vagoti ware kukutizai.

4Imi navagere mukati menyika yeIsiraeri munofanira kuvadzingirira muvarakatise vachitiza kudaro.

5Asi musati maita zvose izvozvi ndiunzireiwo Akiori, muAmoni, atarise azvionere murume aishora imba yaIsiraeri akamusukumidza kuno kwatiri sokunge ndokurufu rwake.”

6Saizvozvo vakandodaidza Akiori kumba kwaUziya. Paakauya ndokuona musoro waHorofenesi uri mumaoko momumwe wavarume vakanga vari mugungano ravanhu, akabva ati rukutu ndokuwira pasi nouso.

7Pavakamusimudza, akanowira patsoka dzaJudhisi ndokupfugama pamberi paJudhisi achiti, “Munofanira kurumbidzwa mumatendhe ose okwaJudha! Mundudzi dzose dzavanhu, vanhu vachanzwa zita renyu, vachashamisika.

8Zvino nditaurireiwo zvamakaita pamazuva iwaya.”

Judhisi ndokumutsanangurira ipapo paiva navanhu zvose zvose zvaakanga aita, kubvira pazuva raakapinda munzira kudzamara panguva yaakanga zvino ovarondedzera.

9Paakapedza, kwakapemberwa kuchifarwa navanhu vachidaidzira kwazvo muguta ravo.

10Akiori paakaona zvose zvakanga zvaitwa naMwari waIsiraeri, akadavira muna Mwari nomwoyo wake wose ndokubva adzingiswa akabva ava kuverengerwa mune vemba yaIsiraeri kusvikira pari nhasi.

11Kunze kuchangoti edzei, vakabayirira musoro waHorofenesi kumadziro pamusoro porusvingo. Munhu wose akapakata zvombo zvake zvehondo, ndokuenda vakaita mapoka mapoka kumipata yamakomo iwayo.

12VaAsiria pavakavaona, vakatumira shoko kuvatungamiriri vehondo yavo, vakaenda kuvatungamiriri vakuru vehondo nokuvakuru vakuru vokuhondo nokumachinda ehondo yavo ose.

13Vakaenda kutendhe raHorofenesi vakati kumutariri wezvinhu zvose zvaHorofenesi mbune, “Timutsirei waro tenzi wedu nokuti turanda tuya twakunyirirawo zvokutouya kuti twutirwise hondo. Kutsvaka kutsakatiswa zvachose.”

14Bhagoa akapinda akagogodza pamuso wetendhe racho nokuti aifunga kuti Horofenesi arere zvake naJudhisi.

15Zvaasina kunzwa mhinduro, akazarura akapinda muimba yokurara iyoyo akamuona akanzi bidiri pasi akafa, musoro wadimurwa pasisina.

16Ndiye kwake mhere kwetsu nezwi riri pamusoro achisvimha misodzi. Akaungudza akazhamba akabvarura hanzu dzake.

17Akaenda kutendhe kwaigara Judhisi, paakamushaya akabuda achimhanya kuvanhu akazhamba achiti,

18“Varanda vaya vatitamba dzakaora! Mukadzi wechiHebheru uya afumura imba yose yamambo Nebhukadhineza. Tarisai muone! Horofenesi achiti pasi umburu, angova mutumbi usisina musoro.”

19Zvino vatungamiriri vehondo yevaAsiria, pavakanzwa izvi, vakakangaidzwa zvikuru vakabvarura hanzu dzavo. Maungira okuchema nokuzhamba kwavo akanzwika mumusasa wamatendhe iwayo ose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help