1Madzimambo, chiteererai munzwisise!
Dzidzai, imi vatongi venyika
dziri kwakaperera nyika.
2Teererai munzwe
imi munotonga zviuru zvakazanirana,
imi vacho munozvikudza
pamusana pouwandu hwenyika dzamunotonga.
3Chikonzero chacho ndechokuti
simba ramuinaro makaripiwa naTenzi
ukuru hwenyu hunobva kuna Wokumusorosoro,
ndiyewo anoongorora mabasa enyu
nokupenengura mazano enyu.
4Nokuti imi vatariri voumambo hwake,
hamuna kutonga zvakafanira,
kana kuchengeta murau,
nyangwe kuita zvinoda Mwari.
5Achauya nokukurumidza zvinotyisa kwazvo,
nokuti zvinotemerwa vakuru vakuru zvakaomarara.
6Vapasipasi vachanzwirwa tsitsi vagoregererwa,
asi vana masimba vacharangwa zvakaomarara,
7nokuti Tenzi wazvose zvose haana waanotya
haambotya kana munhu mukuru mukuru zvakadii
nokuti ndiye akasika voruzhinji
navakuru vakuru,
vose anovabata zvakangoenzana.
8Asi vanamasimba oukuru
vachabvunzisiswa zvinorwadza.
9Ndosaka ndichikutaurirai izvi,
imi madzimambo,
kuti mudzidze ungwaru murege kutsaudzira,
10nokuti vanochengeta murau zvitsvene
vachanziwo vatsvene,
uye vakazvidzidza
vachava nechokuzvidzivira nacho.
11Naizvozvo isai mwoyo yenyu pane zvandinotaura,
ngwarirai mazwi angu,
muzvitsvire mwoyo, mudzidze ungwaru.
Ungwaru hunokwanisa kuwanikwa12Ungwaru hunopenya,
haumbofa hwakabhuruvara,
huri nyore kuonekwa navanouda,
huri nyore kuwanikwa navanoutsvaga.
13Ndihwo hunototanga kuuya kuna vanousuwira.
14Anomukira kuutsvaga haanetseki,
nokuti anotouona huri pamisuo mikuru yake.
15Kuurangarira, uchenjeri huzere.
Anohushayira hope,
anokurumidza kuwana rusununguko mumwoyo.
16Ungwaru hunotenderera nenyika
huchitsvaga vakaukodzera,
hunosangana navo munzira dzavo
hwoti hekani waro;
hunenge huinavo mupfungwa iri yose.
17Mavambo oungwaru kudisisa kudzidza,
kudisisa kuudzidza ndiko kuuda.
18Kuuda ndiko kuchengeta mitemo yahwo,
kuchengeta mitemo yahwo
kune chokwadi chokusafa,
19kusafa kunoisa munhu pana Mwari.
20Naizvozvo kudisisa ungwaru
kunosvitsa kuumambo.
21Naizvozvo, kana imi, vatongi vavanhu,
muchida zvigaro zvoumambo,
uye, tsvimbo dzoumambo,
remekedzai ungwaru
kuti mutonge nokusingaperi.
Soromoni ava kutsanangura ungwaru22Zvino ndava kukuudzai kuti ungwaru chii,
uye kuti hwakavapo sei;
handichakuvanzirai zvakavandika.
Ndichatevedza nhoroondo yahwo
kubvira kumavambo ezvisikwa
ndichiuita kuti hunyatsozivikanwa zvauri,
ndisingasiye chokwadi.
23Handimbofamba munzira yeshanje
inoodza mwoyo,
nokuti haina ukama noungwaru.
24Kuwanda kwavangwaru ruponeso rwapasi pose,
kuva namambo anonzwisisa kugarika kwavanhu vake.
25Naizvozvo dzidzai mumazwi angu, muwane chimuko.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.