1 Johani 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: ZVINOFANIRA KUITWA NOMUNHU KUTI AGARE SOMWANA WAMWARI

1Tarisai muone kuti rudo rwakadii

rwatakaitirwa naBaba,

rwokuti tinzi vana vaMwari

uye ndizvo zvatiriwo izvozvo.

Chinoita kuti pasi pasatizive

ndechokuti hapana kumuziva.

2Vadikanwi izvozvi tiri vana vaMwari.

Zvatichava hazvisati zvavakuonekwa.

Asi zvatinoziva ndezvokuti kana iye ozviratidza,

tichange takafanana naye

nokuti tichamuona sezvaari.

Unofanira kusiyana nechitadzo

3Munhu wose ane chitarisiro maari kudai

anozvichenesa nokuti iye mutsvene.

4Munhu wose anopara chitadzo,

kushaya mutemo kwomunhu iyeyo.

Kupara chitadzo, kushaya mutemo ikoko.

5Munoziva kuti Jesu akazviratidza

kuti abvise zvitadzo

uye maari hamuna chitadzo.

6Hapana anogara akabatana naye anoita zvitadzo.

Munhu anoita chitadzo,

haasati ambomuona kana kumuziva.

7Vanangu, musanyengedzwe nomunhu;

munhu anoita zvakanaka, mururami,

sezvakangoitawo Jesu mururami.

8Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani

nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga.

Chikonzero chakaita

kuti Mwanakomana waMwari azviratidze

ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani.

9Hapana munhu akaberekwa naMwari

anoita chitadzo nokuti mhodzi

yaMwari inogara maari.

Haakwanisi kutadzira Mwari

nokuti akaberekwa naMwari.

10Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti

vana vaMwari ndavapi

uye kuti vana vaSatani ndavapi.

Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari

ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake.

Unofanira kuchengeta mitemo zvikuru worudo

11Nokuti ndiro shoko

ramakanzwa kubvira pakutanga,

rokuti tinofanira kudanana

12tirege kuita saKaini

akanga ari womuipi uya

akaponda munun'una wake.

Akamuponderei?

Nokuti zviito zvake zvakanga zvakaipa

asi zvomunun'una wake zvakanga zvakanaka.

13Hama musashamisike kana pasi pachikuvengai.

14Inga isu tinoziva wani kuti

takabva kurufu tichienda kuupenyu

nokuda vehama kwatinoita.

Munhu asina rudo anogara ari murufu.

15Munhu anovenga mumwe wake imhondi

uye munoziva kuti mhondi

haina upenyu husingaperi hunogara mairi.

16Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo,

zvokuti akapira upenyu hwake pamusana pedu,

isuwo tinofanira kuparadza upenyu hwedu

nokuda kwavamwe vedu.

17Ngatitii munhu ane upfumi hwapanyika

akaona mumwe wake asina chokubata

iye womuomesera mwoyo

pakadaro rudo rwaMwari runganzi ruri maari sei?

18Vanangu ngatiregei kungodana zvapamuromo

kana zvokungobatana kumeso

asi muzviito nomuchokwadi.

19Izvozvi ndizvo zvinotizivisa

kuti tiri pachokwadi

uye zvinotigadzanisa mwoyo pamberi pake

20kana hana dzedu dzotipomera mhosva,

nokuti Mwari mukuru pane hana dzedu

uye anoziva zvose.

21Vadikanwi kana hana dzedu dzisingatipi mhosva

tine chivimbo pamberi paMwari.

22Tinopiwa naye zvose zvatinokumbira

nokuti tinochengeta mitemo yake

tichiita zvinomufadza.

23Mutemo wake ndouya wokuti:

Tinofanira kutenda muzita roMwanakomana wake

Jesu Kristu uye kudanana sokutiudza kwaakaita.

24Vose vanochengeta mitemo yake

vanogara vakabatana naye

iyewo akabatanawo navo.

Izvi ndizvo zvinotizivisa kuti

iye akabatana nesu,

zvokuti akatipa Mweya Mutsvene.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help