Johani 12 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuzorwa kwaJesu namafuta(Mat 26:6–13; Mak 14:3–19)

1Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi.

2Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu.

3Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo.

4Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati:

5“Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?”

6Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe.

7Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu.

8Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.”

Vapristi vakuru vanoda kuuraya Razaro

9Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi.

10Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro.

11Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu.

Kupinda kwaJesu muJerusaremu achipembererwa(Mat 21:1–11; Mak 11:1–11; Ruka 19:28–40)

12Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu.

13Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti,

“Hosana, ngaarumbidzwe

iye anouya muzita raTenzi

ndiye mambo weIsiraeri.”

14Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

15“Usatye zvako iwe mukunda weZioni,

tarisa uone mambo wako ari kuuya

akatasva pachigondora chedhongi.”

16Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari.

17Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira.

18Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho.

19VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.”

VaGiriki vanoda kuona Jesu

20Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki.

21Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.”

22Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu.

23Jesu akavapindura achiti,

“Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu

zvino achiwana mukurumbira.

24Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri

kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa

inoramba ichingova yoga

asi ikafa inobereka muchero wakawanda.

25Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho,

asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano

anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi.

26Anoda kundishandira, anofanira kunditevera,

kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva.

Munhu akandishandira, Baba vachamukudza.

Jesu anotaura nezvorufu rwake

27“Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo

Ndoti kudiiko?

Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi

asi aiwa, inga zvenguva iyi

ndizvo zvandakavinga wani.

28Baba rumbidzai zita renyu.”

Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.”

29Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.”

30Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.”

31Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika.

Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze.

32Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika,

ndichakwezvera vanhu vose kwandiri.

33Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo.

34Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?”

35Jesu akavati,

“Mwenje uchinemi kwechinguvana

fambai muchine mwenje iwoyo kudai,

mungadaro mukawirwa nerima.

Anofamba murima haazivi kwaanoenda.

36Muchine mwenje kudai

tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.”

Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari.

Kusatenda kwavaJudha

37Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari.

38Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti,

“Tenzi ndiani akatenda zvatakataura

simba raMwari rakaratidzwa kunaani?”

39Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve,

40“Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo

kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo

vakanzwisisa nemwoyo yavo

vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.”

41Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake.

42Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu.

43Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari.

Mazwi aJesu ndiwo anotonga munhu

44Jesu akadaidzira achiti,

“Anodavira mandiri haadaviri mandiri

asi muna iye akandituma.

45Uyo anondiona anoona iye akandituma.

46Ndakauya sechiedza pasi pano kuti

ani naani anotenda mandiri

arege kugara murima.

47Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura

asingazvichengete handimupi mhosva

nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva

asi kuzoponesa pasi.

48Anondiramba uye asingagamuchiri

zvandinotaura ane anomutonga.

Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga

pazuva remhedziso.

49Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu.

Baba vakandituma ndivo vakanditemera

zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva.

50Ndinozivawo kuti mutemo wavo

ndiwo upenyu husingaperi,

saka zvandinotaura, ndinotaura

sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help