1Shoko rakanangana neMoabhu.
Guta reMoabhu, Ari, raparara nousiku umwechete
ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko.
Guta reKiti raparara nousiku umwechete
ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko.
2Vanhu vokuDhibhoni vakwira kunzvimbo
dzakatunhumara dzokunamata kundochema,
nyika yeMoabhu inochema guta reNebho neMedhebha,
Moabhu inoungudza kuchema,
musoro wose wava muparavara
vose vaguswa ndebvu.
3Mumigwagwa vanopfeka masaga,
vapamusoro pedzimba nomunhandare
vanhu vari kubongomora vachimokoteka misodzi.
4Guta reHeshibhoni neEreare ari kuridza mhere,
kuchema kwavo kuri kunzwika kunyange kuJahazi.
Naizvozvo varwi vokuMoabhu vari kudandaura kuchema
vapindwa nokudedera.
5Mwoyo wangu unochema Moabhu,
vanhu vayo vanotizira kuZoari,
vanosvika kwose nokuEgiratisherishiya
nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti
iri mhere chete kuhwihwidza
nokunzira yokuHoronaimu
vari kuchema kuparadzwa kwavo.
6Mvura yokuNimurimu yakapwa,
uswa hwakaoma, bundo hapachisina,
hapachisina kana chinyoro.
7Naizvozvo upfumi hwavakawana, vakachengeta
vavakutohutakura kuyambuka kaKova
Kemushambangwena.
8Mhere yavo iri kusvika
kumiganhu yenyika yeMoabhu,
kubongomora kwavo kuchisvika kuEgirami
kuungudza kwavo kuchisvikawo kuBhierierimu.
9Mvura yokuDhimoni izere ropa
asi ndichatounza rimwe
rakawanda muDhimoni
vanenge vapotera munyika yeMoabhu
nechitsama chavo chichange chasaramo
ndichavasasadzira shumba.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.