Isaya 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuparadzwa kuchaitwa Moabhu naMwari

1Shoko rakanangana neMoabhu.

Guta reMoabhu, Ari, raparara nousiku umwechete

ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko.

Guta reKiti raparara nousiku umwechete

ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko.

2Vanhu vokuDhibhoni vakwira kunzvimbo

dzakatunhumara dzokunamata kundochema,

nyika yeMoabhu inochema guta reNebho neMedhebha,

Moabhu inoungudza kuchema,

musoro wose wava muparavara

vose vaguswa ndebvu.

3Mumigwagwa vanopfeka masaga,

vapamusoro pedzimba nomunhandare

vanhu vari kubongomora vachimokoteka misodzi.

4Guta reHeshibhoni neEreare ari kuridza mhere,

kuchema kwavo kuri kunzwika kunyange kuJahazi.

Naizvozvo varwi vokuMoabhu vari kudandaura kuchema

vapindwa nokudedera.

5Mwoyo wangu unochema Moabhu,

vanhu vayo vanotizira kuZoari,

vanosvika kwose nokuEgiratisherishiya

nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti

iri mhere chete kuhwihwidza

nokunzira yokuHoronaimu

vari kuchema kuparadzwa kwavo.

6Mvura yokuNimurimu yakapwa,

uswa hwakaoma, bundo hapachisina,

hapachisina kana chinyoro.

7Naizvozvo upfumi hwavakawana, vakachengeta

vavakutohutakura kuyambuka kaKova

Kemushambangwena.

8Mhere yavo iri kusvika

kumiganhu yenyika yeMoabhu,

kubongomora kwavo kuchisvika kuEgirami

kuungudza kwavo kuchisvikawo kuBhierierimu.

9Mvura yokuDhimoni izere ropa

asi ndichatounza rimwe

rakawanda muDhimoni

vanenge vapotera munyika yeMoabhu

nechitsama chavo chichange chasaramo

ndichavasasadzira shumba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help