Mateu 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: KUPARIDZWA KWOUMAMBO HWEDENGAA. CHIKAMU CHOKUTSANANGURAKuparidza KwaJohani Muombeki(Mak 1:1–8; Ruka 3:1–18; Joh 1:19–28)

1Pamazuva iwayo kwakauya Johani Muombeki achiparidza murenje reJudhea achiti,

2“Pindukai nokuti umambo hwedenga hwaswedera.”

3Uyu ndiye akanyorwa nezvake nomuporofita Isaya achiti,

“Izwi raanodanidzira mugwenga achiti,

‘Gadzirirai Tenzi mugwagwa.

Ruramisai nzira dzake.’ ”

4Johani aipfeka hanzu yakagadzirwa nemvere dzenghamera nebhande reganda muchiuno chake. Chokudya chake chaiva mhashu nouchi homusango.

5Jerusaremu neJudhea yose navanhu vomunharaunda yeJorodhani vakabuda vachienda kwaari

6vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo.

7Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya?

8Naizvozvo berekai muchero unowirirana nokupinduka kwenyu.

9Regai kuzvifurira muchiti zvatina Abhurahamu sababa vedu muchechetere, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya.

10Zvino demo ratonanga parinotema midzi yemiti. Naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka uchatemwa uchikandwa mumoto.

11Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke. Asi arikuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kutakura shangu dzake; iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto.

12Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake nokuunganidza koroni yake nokuiisa mudura. Asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.”

Kuombekwa kwaJesu(Mak 1:9–11; Ruka 3:21–22)

13Jesu akabva kuGarirea achienda kurwizi rwaJorodhani kwaiva naJohani kundoombekwa naye.

14Johani aida kumurambidza achiti, “Ini ndini ndinofanira kuombekwa nemi. Zvino imi ndimi mouya kwandiri here?”

15Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.”

16Ndipo paakabvuma. Jesu paakangoombekwa akabva abuda mumvura pakarepo ndokubva matenga akazaruka kwaari akaona Mweya waMwari achiburuka akaita senjiva achisvikomhara paari. Hero izwi rakabva kudenga

17richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo anondifadza zvikuru.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help