Judhisi 7 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: KUKOMBWA KWEGUTA REBHETURIAKuronga hondo yokurwisa Isiraeri

1Zuva ramangwana racho Horofenesi akatemera hondo yake yose navamwe vake vose vakanga vakabatana naye chirevo chokuti vachiparadza musasa vaende kundorwisa guta reBheturia vatore mipata yokukwira nayo muzvikomo macho vaiise mumaoko mavo kuti varwise vaIsiraeri.

2Saizvozvo varwi vavo vakaparadza musasa zuva iroro voenda. Hondo yavo yakanga yakamira yakadai izvi:

paiva nezviuru zana namakumi manomwe avarwi vetsoka,

pouya zviuru gumi nezviviri zvavarwi vamabhiza,

pamwechete nemikwende navarwi vetsoka vokuitakura,

negurusvusvu chairo guru ravanhu.

3Vakasvikodzika matendhe mubani padyo neBheturia paiva nechisipiti. Izvozvo upamhi hwamatende avo aindopfuurira kuDhotani achindosvika nokuBharibhaimu; kureba kwenzvimbo yaaiva, achibvira paBheturia kundosvika kuKiamoni pakatarisana neEsidhiraeroni.

4VaIsiraeri pavakaona muwandiro, vakabatwa nokutya kukuru vakataurirana vachiti, “Varume ava vachatsvaira nyika yose! Hakuna kana gomo refu kana mapani zvawo kunyange chikomo chingakwanise kuvatakura!”

5Murume wose akapakata zvombo zvake zvokurwa, vakabatidza moto panharire dzavo vakarara vakagaririra usiku ihwohwo.

6Pazuva rechipiri racho, Horofenesi akafambisa kunze varwi vake vamabhiza vose vaIsiraeri vomuBheturia vachinyatsozviona.

7Akaongorora mokupinda namo muguta iri akamema muzvisipiti mavaiwana mvura yavo akazvitora akazviisa mumaoko make akaisa varwi vokuzvigaririra akabva adzokera kwaiva nehondo yake.

8Zvino madzishe ose avanhu vokwaEsau, navatungamiriri vose veMoabhu navatungamiriri vakuru vokudunhu rokumahombekombe kwegungwa vakauya kwaari vakati,

9“Dai changamire mambotinzwawo kuitira kuti hondo yenyu irege kukundwa

10nokuti vanhu ava vechiIsiraeri havavimbe namapfumo avo, chavanovimba nacho chaicho makomo marefu mavanogara nokuti haisi nyore kusvika pamusoro pamakomo avo.

11Zvino zvokumirisana navo muchirwa hondo, dai marega zvenyu changamire wangu. Zvikadaro hakuna kana nomurume mumwechete wehondo yenyu wamunorasikirwa naye.

12Dai maramba zvenyu muri pamatendhe enyu makachengetana zvenyu nehondo dzenyu, machinda enyu vatore chete kasipiti kanoerera kachibva mujinga megomo

13nokuti ipapo ndopanoteka vose veBheturia mvura yavo. Nokudaro vachaparara nenyota vakatozoti guta ravo ngarisve ratorwa zvaro. Isu navanhu vedu ndisu toenda pamusoro pamakomo ari pedyo, todzika matendhe edu ipapo tichitarisa kuti hapana kana munhu mumwechete zvake anobuda muguta.

14Ivo namadzimai avo navana vavo vachaperezeka nenzara, vasati vambosvikirwa zvavo namapakatwa. Migwagwa yemavanogara ichati navanhu kata kata.

15Ndopamuchavatsividza muchivaitira zvakaipa nokuti vakapanduka vachirega kukugamuchirai zvakanaka.”

16Mazano iwayo akafadza Horofenesi namachinda ake ose akabva ati, zvavakanga vareva zviitwe.

17Saizvozvo hondo yavaAmoni yakaenda mberi pamwechete nezviuru zvishanu zvevaAsiria vakandodzika matendhe mubani vakabvuta maiwanika mvura nezvisipiti zvevaIsiraeri.

18Vanhu vokwaEsau navanhu vokwaAmoni vakakwira vakandodzikawo matendhe avo munyika yamakomo pakatarisana neDhotani. Vakatuma vamwe vanhu vavo vakananga kumaodzanyemba uye kumabvazuva vakananga kuEgirebhero iri padyo neKusi munyasi mekaKova keMokimuru. Imwe hondo yose yavaAsiria yakanga yasara, yakadzika matendhe ayo mubani zvokuti nyika yese tsvete navo. Matendhe avo nezvinhu zvavaiva nazvo zvakanga zvakati nokokoko ware ware kubva rave gurusvusvu chairo.

19VechiIsiraeri vakachema kuna Tenzi Mwari wavo nokuti vakanga varasa mwoyo pamusana pokuti vavengi vavo vose vakanga vavakomba vasisina pokupunyuka napo.

20Saizvozvo hondo yose yavaAsiria yaiti varwi vetsoka nevengoro dzehondo navarwi vamabhiza yakanga yavakomba kwamazuva makumi matatu namana kusvikira zvirongo zvemvura yavagari vomuBheturia zvakwenguka.

21Mazigaringiro avo okuchengetera mvura akanga ava kupwa. Vakanga vasisina mvura yokunwa zvokupedza nyota yomuswere wezuva nokuti mvura yokunwa yakanga yavakutoita zvokuererwa munhu.

22Vana vavo vakarasa mwoyo, vakadzi namajaya vakafizuka nenyota vachiwira pasi mumigwagwa yomugutamo nomutunzira twapamisuo mikuru. Vakanga vaneta neta zvokusara vasisina simba.

23Vanhu vose zvavo vaiti, majaya navakadzi navana vakaunganidzana kuna Uziya, navakuru–vakuru veguta iroro vakachema zvikuru kuvakuru–vakuru vose ivavo vachiti,

24“Mwari ngaakuonei panyaya yedu nemi nokuti iyemi ndimi makatipinza munhamo yakakura ikadai nokurega kwamakaita kuwirirana navaAsiria.

25Zvino wokutibatsira hapachisina; Mwari akatitengesa mumaoko avo kuti tirakatiswe zvedu pasi nenyota pamberi pavo uye nokuparadzwa chaikoiko.

26Zvino vadaidzei muise zvenyu guta rose mumaoko mehondo yaHorofenesi nokuvarwi vake vose varipambe.

27Zvingatova nani kuti tive nhapwa dzavo tichiva varanda vavo zvedu asi tiri vapenyu pano kuti tione namaziso edu vana vedu vachiurayiwa kana vakadzi vedu navana vedu vachitura femo ravo rokupedzisira.

28Denga nenyika ngazvitipupurire naMwari wedu uye Tenzi wamadzibaba edu ari kutiranga kudai pamusana pezvitadzo zvedu nezvitadzo zvamadzibaba edu, atipupurirewo kwamuri. Dai angorega nhasi uno kuita zvatanga tichitsanangudza.”

29Ndipo pakamuka mugungano rose ravanhu kuungudza kukuru, vakachema kuna Tenzi Mwari nezwi guru.

30Uziya akati kwavari, “Tsungai mwoyo hama dzangu. Ngatimboshingirirai kwamazuva mashanu. Nenguva iyoyo Tenzi Mwari wedu achazenge atinzwirawo tsitsi nokuti haatifuratire zvachose.

31Asi mazuva iwaya akazenge apfuura pasina rubatsiro rwatapuwa, ndichaita sezvamataura.”

32Akazoti vanhu vadzokere zvavo kumabasa avo akasiyana siyana. Vanhu ndokubva vakwira parusvingo napanharire dzeguta. Vakadzi navana akavati vaende zvavo kumba. Vanhu vomuguta imomo vakasuruvara zvokusuruvara chaizvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help