Nziyo 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato wamangwanani wokukumbira rubatsiroRwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwana wake Abhusaromu.

1Nhai TENZI, kuwanda here ikoko

kwakaita mhandu dzangu!

Vazhinji vavakundimukira.

2Vazhinji vari kunditi,

“Mwari haambomubatsira.”

Dzepfunde

3Asi kwandiri imi TENZI ndimi nhoo yangu.

Ndimi mbiri yangu,

uye ndimi munoita kuti ndisimudze musoro.

4Ndinodaidzira nezwi rangu kuna TENZI?

Iye achandipindura ari mugomo rake rinoera.

Dzepfunde

5Ndinongoti pasi rarei ndobva ndakotsira.

Ndozomukazve nokuti TENZI anondichengeta.

6Handityi zviuru zvavanhu zvakazanirana,

zvavanhu varongana vakandikomba,

vanoda kundirwisa.

7Simukai TENZI,

ndinunureiwo Mwari wangu

nokuti imi, munorova

mhandu dzangu dzose padama.

Vakaipa munovagura meno.

8TENZI ndiye anonunura.

Chikomborero chenyu

ngachive pavanhu venyu.

Dzepfunde

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help