Varoma 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Fadza vamwe panze pokuzvifadza iwe pachako

1Isu takasimba tinofanira kuita mwoyo murefu navasina kusimba kwete kungozvifadzawo zvedu.

2Munhu wose anofanira kuitira mumwe wake zvinomufadza zvinomubatsira nokumusimbisa

3nokuti Kristu haana kungozvifadza zvake asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

“Kuzvidza kwaavo vakakuzvidzai

kwakauya kwandiri.”

4Ndinodaro nokuti zvose zvazvo zvakanyorwa mumazuva akare zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise kuti nokushingirira uye nokukurudzira kwaMagwaro Matsvene tiwane chitarisiro.

5Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu

6kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu.

Shoko Rakanaka kune vechirudzi

7Naizvozvo gamuchiranai sokugamuchirwa kwamakaitwa naKristu kuti Mwari arumbidzwe.

8Zvandiri kureva ndezvokuti Kristu akava muranda kuna vakadzingiswa kuratidza chokwadi chaMwari kuti asimbisise zvitsidzo zvakaitwa kumadzitateguru

9uye kuti vechirudzi varumbidze Mwari nokuda kwengoni dzake, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Saizvozvo ndichakurumbidzai mukati mevechirudzi uye ndichaimbira zita renyu.”

10Zvinonzizve,

“Pemberai nokufara pamwechete navanhu

vake, imi vechirudzi.”

11Uyewo zvinonzi:

“Rumbidzai Tenzi imi mose vechirudzi

uyewo vanhu vose murumbidzei.”

12Isayawo anoti:

“Dzinde raJese richauya,

iye anomuka kuzotonga vechirudzi,

vechirudzi vachatarisira maari.”

13Dai Mwari wechitarisiro angokuzadzai

norufaro rwose norugare

mukutenda kwenyu, kuti nesimba

raMweya Mutsvene mangofashukira nechitarisiro.

MAZWI OKUZARIRAChikonzero chokunyora tsamba ino nechivindi

14Hama dzangu ini ndinogutsikana nemi kuti imi pachenyu muzere norunako, muzere neruzivo rwose uyezve nokuti munokwanisa kudzidzisana pachenyu.

15Asi pane dzimwe nyaya dzandakakunyorerai nechivindi chaicho ndichikuyeuchidzai pamusana pechipo chandakapiwa naMwari

16chokuti ndiri mushandiri waKristu Jesu ndichishanda mukati mevechirudzi uye kuti ndiri mushandiri weShoko Rakanaka raMwari. Ibasa rangu somupristi kupira vechirudzi kwaari sechibayiro chinofadza chakaereswa naMweya Mutsvene.

17Naizvozvo muna Kristu Jesu, ndinozvidadisa nebasa randinoitira Mwari.

18Handingafemeri kutaura nezvechimwe chinhu kusiya nezvakaitwa naKristu nemandiri kuti vechirudzi vateerere namazwi nezviito zvangu

19nesimba rezviratidzo nezvishamiso uye nesimba raMweya Mutsvene. Uku kuri kuti kubvira kuJerusaremu kutenderera nokuIririkumu ndiparidze shoko raKristu, ndichiita kuti ive ndiyo vavariro yangu yokuparidza Shoko Rakanaka kusati kwakambodomwa Kristu.

20Ndingadaro ndikavaka pahwaro hwomumwe.

21Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vasina kumbotaurirwa nezvake vachaona, vasina kumbonzwa nezvake vachanzwisisa.”Pauro anoronga kushanyira guta reRoma

22Ndicho chikonzero chakandipingidza kuti ndiuye kwamuri kakawanda.

23Asi iye zvino zvandisisina mukana wokushanda munharaunda dzino idzi uye pamusana pokuti ndaisuwira kwamakore mazhinji kuuya kwamuri,

24ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana.

25Pari zvino ndiri kumboenda kuJerusaremu norubatsiro rwavatsvene.

26Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu.

27Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama.

28Saizvozvo kana ndapedza izvi ndatsvitsa zviya zvakaunganidzwa ndichapfuura nokwenyu ndichienda kuSipeini.

29Ndinozivawo kuti kana ndouya kwamuri ndinouya nechikomborero chaKristu chizere.

30Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira

31kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo.

32Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu.

33Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help